Proverbs (22/31)  

1. Zita rakanaka rinofanira kutsa­nangurwa kupfuura fuma zhinji; Uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama.
2. Vafumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.
3. Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
4. Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ifuma nokukudzwa noupenyu.
5. Minzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo.
6. Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.
7. Mufumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwerete, muranda, wowakamupa chikwerete.
8. Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika.
9. Ane moyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
10. Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma.
11. Anoda kuchena kwomoyo, Neane miromo inofadza, mambo achava shamwari ake.
12. Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera.
13. Simbe inoti, "Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha."
14. Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo.
15. Upenzi hunonamatira mumoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.
16. Anomanikidza murombo, anomufumisa; Anopa mufumi zvipo, anongomushaisa.
17. Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, moyo wako urangarire zivo yangu.
18. Nokuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako.
19. Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha.
20. Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here?
21. Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here?
22. Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo;
23. Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira.
24. Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha;
25. Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo.
26. Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwereti.
27. Kana usina chaungaripa nacho, Uchagokutorereiko nhovo dzako pasi pako?
28. Usabvisa muganho wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako.
29. Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikanwi.

  Proverbs (22/31)