| ← Proverbs (21/31) → |
| 1. | moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda. |
| 2. | Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo. |
| 3. | Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro. |
| 4. | Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi. |
| 5. | Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa. |
| 6. | Kuunganidza fuma norurimi runorevha nhema Imhute inodzingwa kwose-kwose navanotsvaka rufu. |
| 7. | Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, Nokuti vanoramba kuita zvakarurama. |
| 8. | Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama. |
| 9. | Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara. |
| 10. | Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari. |
| 11. | Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira |
| 12. | Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa. |
| 13. | Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki. |
| 14. | chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru. |
| 15. | Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako. |
| 16. | Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa. |
| 17. | Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi. |
| 18. | Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama. |
| 19. | Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara noanonetsa. |
| 20. | Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza. |
| 21. | Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa. |
| 22. | Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo. |
| 23. | Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko. |
| 24. | Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake. |
| 25. | Kuda kwoane usimbe kunomuuraya; Nokuti maoko ake anoramba kubata basa. |
| 26. | Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi. |
| 27. | Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa. |
| 28. | Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura. |
| 29. | Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake. |
| 30. | Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha. |
| 31. | Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha. |
| ← Proverbs (21/31) → |