Proverbs (21/31)  

1. moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda.
2. Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo.
3. Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro.
4. Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi.
5. Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.
6. Kuunganidza fuma norurimi runorevha nhema Imhute inodzingwa kwose-kwose navanotsvaka rufu.
7. Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, Nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
8. Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama.
9. Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara.
10. Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari.
11. Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira
12. Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa.
13. Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki.
14. chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru.
15. Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako.
16. Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
17. Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi.
18. Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama.
19. Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara noanonetsa.
20. Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza.
21. Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.
22. Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo.
23. Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko.
24. Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake.
25. Kuda kwoane usimbe kunomuuraya; Nokuti maoko ake anoramba kubata basa.
26. Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi.
27. Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa.
28. Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura.
29. Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake.
30. Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha.
31. Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.

  Proverbs (21/31)