Proverbs (20/31)  

1. Waini mudadi, doro mupopoti; Ani naani anobatwa nazvo, haana kuchenjera.
2. Kuvhundusa kwamambo kwakaita sokuomba kweshumba; Anomutsamwisa, anozvitadzira hupenyu hwake.
3. Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.
4. Simbe hairimi kana kune chando; Saka kana achitsvaka zvibereko pakucheka, hazvipo.
5. Mano mumoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera.
6. Vanhu vazhinji vanowana munhu anovaitira chinhu chakanaka, Asi ndiani angawana munhu akatendeka?
7. Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa.
8. Mambo, anogara pachigaro chokutonga, Anodzinga zvakaipa zvose nameso ake.
9. Ndiani angati, "Ndachenesa moyo wangu Ndanatswa zvivi zvangu?"
10. Zviidzo zvakasiyana, nezviyero zvakasiyana, Izvozvo zvose zvinonyangadza Jehovha.
11. Kunyange nomwanakomana anozvizivisa nezvaanoita, Kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.
12. Nzeve, inonzwa, neziso, rinoona, Jehovha akazviita zvose.
13. Usada hope, kuti urege kuzova murombo; Svinudza meso ako, kuti ugogutiswa nezvokudya.
14. "Chakaipa, chakaipa!" Ndizvo zvinoreva mutengi; Asi kana woenda wozvirumbidza.
15. Ndarama iriko, nekorari zhinji; Asi miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.
16. Mutorerei nguvo yake, iye wakazviita rubatso kumutorwa; Ngaave rubatso rwavatorwa.
17. Munhu anoti zvokudya zvenhema zvakanaka, Asi pashure muromo wake uchazara nejecha.
18. Mano anobva pakurangana; Urwe pfumo wamborairirwa nohuchenjeri.
19. Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Saka usashamwaridzana nomunhu anoshamisa miromo yake.
20. Anotuka baba vake kana mai vake, Mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba.
21. Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutanga, Haingaropafadzwi pakupedzisira.
22. Usati, "Ndachatsiva zvakaipa;" Mirira Jehovha, iye achakuponesa.
23. Zviidzo, zvakasiyana, zvinonyangadza Jehovha; Nechiyero chinonyengedzera hachina kunaka.
24. Kufamba kwomunhu kunobva kuna Jehovha; Zvino munhu anganzwisisa seiko nzira yake?
25. Musungo kumunhu kupika achiti, "Chitsvene!" Asina kumborangarira, Ndokuzofungisisa ambopika.
26. Mambo akachenjera anozungura. vakaipa, Achivapura nomupuro.
27. Mweya womunhu mwenje waJehovha; Anonzvera zvose zviri mukati-kati.
28. Rudo nokutendeka zvinochengeta mambo; Chigaro chake choushe chinotsigirwa norudo.
29. Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo; Ukomba hwavatana ndiyo misoro yakachena.
30. Kurohwa kunokuvadza kunonatsa zvakaipa; Kurohwa kunopinda mukati-kati.

  Proverbs (20/31)