| ← Proverbs (2/31) → |
| 1. | Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri; |
| 2. | Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza moyo wako, kuti unzwisise; |
| 3. | Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; |
| 4. | Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sefuma yakavanzwa; |
| 5. | Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari. |
| 6. | Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere, |
| 7. | Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi; |
| 8. | Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake. |
| 9. | Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. |
| 10. | Nokuti uchenjeri huchapinda mumoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako; |
| 11. | Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta; |
| 12. | Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama; |
| 13. | Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima; |
| 14. | Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa. |
| 15. | Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo; |
| 16. | Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake. |
| 17. | Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake. |
| 18. | Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa; |
| 19. | Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu; |
| 20. | Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama. |
| 21. | Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo. |
| 22. | Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo. |
| ← Proverbs (2/31) → |