Proverbs (2/31)  

1. Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;
2. Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza moyo wako, kuti unzwisise;
3. Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere;
4. Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sefuma yakavanzwa;
5. Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari.
6. Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere,
7. Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi;
8. Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.
9. Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.
10. Nokuti uchenjeri huchapinda mumoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako;
11. Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta;
12. Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama;
13. Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima;
14. Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.
15. Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo;
16. Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.
17. Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake.
18. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa;
19. Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu;
20. Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.
21. Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo.
22. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.

  Proverbs (2/31)