| ← Proverbs (19/31) → |
| 1. | Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura ane miromo isakarurama, iri benzi. |
| 2. | Uye, kushingaira kusine zivo hakuna kunaka; Anokurumidza namakumbo ake anorasha nzira. |
| 3. | Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake; moyo wake unotsamwira Jehovha. |
| 4. | fuma inouyisa shamwari zhinji; Asi murombo anosiyiwa neshamwari yake. |
| 5. | Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema haangapukunyuki. |
| 6. | Vazhinji vachatsvaka nyasha yomunhu anopavhurira; Munhu mumwe nomumwe ishamwari yoanopa zvipo. |
| 7. | Hama dzose dzomurombo dzinomuvenga; Zvikuru shamwari dzake dzinoparadzana naye! Anovatevera namashoko, asi vaenda! |
| 8. | Anowana huchenjeri, anoda hupenyu hwake; Anochengeta njere, achawana zvakanaka. |
| 9. | Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema achaparadzwa. |
| 10. | Kugara pakati pezvakanaka hazvifaniri benzi; Ndoda sei kuti muranda ave ishe wamachinda. |
| 11. | Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe. |
| 12. | Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa. |
| 13. | Mwanakomana benzi inhamo yababa vake; Uye kukakavara kwomukadzi kudonha kusingaperi kwemvura. |
| 14. | Dzimba nefuma inhaka inobva kuna madzibaba; Asi mukadzi akangwara anobva kuna Jehovha. |
| 15. | Usimbe hunowisira munhu pahope huru; Munhu asingabati achafa nenzara. |
| 16. | Anochengeta murayiro, anochengeta upenyu hwake; Asi asina hanya nenzira dzake achafa. |
| 17. | Anonzwira varombo tsitsi, anoposana naJehovha; Achamuripira basa rake rakanaka. |
| 18. | Ranga mwanakomana wako, nokuti tariro ichipo; Usatsvaka kumuuraya. |
| 19. | Munhu ane hasha zvikuru acharohwa; Nokuti kana uchimurwira, unongozvinyanyisa. |
| 20. | Teerera kana uchirairirwa, unzwe kana uchidzidziswa, Kuti pashure ugova wakachenjera. |
| 21. | Mumoyo womunhu mune ndangariro zhinji; Asi kurairira kwaJehovha ndiko kuchamira. |
| 22. | Munhu anodikanwa nokuda kwounyoro hwake; Murombo urinani pamurevi wenhema. |
| 23. | Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; Unako, uchavata zvakanaka, Haangavingiwi nezvakaipa. |
| 24. | Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, isingadi kutongorudzosera kumuromo wayozve.. |
| 25. | Rova mudadi, ipapo asina mano achazvingwarira; Raira ane njere, ipapo achanzwisisa zivo. |
| 26. | Anoitira baba vake simba, nokudzinga mai vake, Mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza. |
| 27. | Mwanakomana wangu, rega kuteerera kana uchidzidziswa, Kana uchida hako kutsauka pamashoko ezivo. |
| 28. | Chapupu chisina maturo chinodada nokururama; Muromo wavakaipa unomedza zvakaipa. |
| 29. | Kutongwa kwakagadzirirwa vadadi; Neshamhu misana yamapenzi. |
| ← Proverbs (19/31) → |