| ← Proverbs (18/31) → |
| 1. | Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo. |
| 2. | Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti moyo waro ufukurwe. |
| 3. | Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo. |
| 4. | Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri. |
| 5. | Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga. |
| 6. | Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa. |
| 7. | Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro. |
| 8. | Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri. |
| 9. | Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munun’una womuparadzi. |
| 10. | Zita raJehovha inhare yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa. |
| 11. | fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake. |
| 12. | moyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa. |
| 13. | Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa. |
| 14. | Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani? |
| 15. | moyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo. |
| 16. | Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru. |
| 17. | Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama , Asi wokwake anosvika womuferefeta. |
| 18. | Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba. |
| 19. | Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo. |
| 20. | Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake. |
| 21. | Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo. |
| 22. | Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha naJehovha. |
| 23. | Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mufumi anopindura nehasha. |
| 24. | Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama. |
| ← Proverbs (18/31) → |