Proverbs (18/31)  

1. Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.
2. Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti moyo waro ufukurwe.
3. Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
4. Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.
5. Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga.
6. Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa.
7. Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro.
8. Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
9. Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munun’una womuparadzi.
10. Zita raJehovha inhare yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.
11. fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.
12. moyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
13. Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.
14. Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?
15. moyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.
16. Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru.
17. Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama , Asi wokwake anosvika womuferefeta.
18. Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba.
19. Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.
20. Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.
21. Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.
22. Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha naJehovha.
23. Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mufumi anopindura nehasha.
24. Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.

  Proverbs (18/31)