| ← Proverbs (17/31) → |
| 1. | Chimedurwa chakaoma chechingwa norugare, Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara. |
| 2. | Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira mwanakomana anonyadzisa, Achidya nhaka pamwechete navana. |
| 3. | Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Asi Jehovha anoidza moyo yavanhu. |
| 4. | Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera miromo yakaipa; Murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi rwakashata. |
| 5. | Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake; Anofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa. |
| 6. | Vazukuru ikorona yavatana; Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo. |
| 7. | Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi; Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda. |
| 8. | Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana ichitarirwa nomwene wayo; Pose painoringira inofadza. |
| 9. | Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana. |
| 10. | Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa Kupfuura benzi nokurohwa rune zana. |
| 11. | Munhu anomoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa; Asi achatumirwa nhume inomoyo mukukutu. |
| 12. | Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana, Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro. |
| 13. | Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa, Zvakaipa hazvingabvi paimba yake. |
| 14. | Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika. |
| 15. | Anopembedza akaipa, noanopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha. |
| 16. | Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere. |
| 17. | Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika. |
| 18. | Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso. |
| 19. | Anoda kukakavara, anoda kudarika, Anokurisa suo rake, anotsvaka kuparadzwa. |
| 20. | Anomoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi. |
| 21. | Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro. |
| 22. | moyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa. |
| 23. | Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira. |
| 24. | Uchenjeri huri pamberi poane njere, Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika. |
| 25. | Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava. |
| 26. | Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo. |
| 27. | Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere. |
| 28. | Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara. |
| ← Proverbs (17/31) → |