Proverbs (17/31)  

1. Chimedurwa chakaoma chechi­ngwa norugare, Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara.
2. Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira mwanakomana anonyadzisa, Achidya nhaka pamwechete navana.
3. Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Asi Jehovha anoidza moyo yavanhu.
4. Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera miromo yakaipa; Murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi rwakashata.
5. Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake; Anofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa.
6. Vazukuru ikorona yavatana; Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo.
7. Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi; Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda.
8. Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana ichitarirwa nomwene wayo; Pose painoringira inofadza.
9. Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana.
10. Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa Kupfuura benzi nokurohwa rune zana.
11. Munhu anomoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa; Asi achatumirwa nhume inomoyo mukukutu.
12. Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana, Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro.
13. Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa, Zvakaipa hazvingabvi paimba yake.
14. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.
15. Anopembedza akaipa, noanopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha.
16. Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere.
17. Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.
18. Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso.
19. Anoda kukakavara, anoda kudarika, Anokurisa suo rake, anotsvaka kuparadzwa.
20. Anomoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi.
21. Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro.
22. moyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa.
23. Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira.
24. Uchenjeri huri pamberi poane njere, Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika.
25. Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava.
26. Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo.
27. Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere.
28. Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.

  Proverbs (17/31)