Proverbs (16/31)  

1. Kurangarira kwomoyo ndo­kwomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
2. Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa.
3. Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika.
4. Jehovha akaitira chinhu chimwe ,nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa wakaitirwa zuva rakaipa
5. mumwe nomumwe unomoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.
6. Zvakaipa zvinodzikunurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
7. Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake.
8. Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nefuma zhinji nokusarurama.
9. moyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake.
10. Miromo yamambo inotema zvirevo zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga.
11. Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake.
12. Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; Nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
13. Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikanwa naye.
14. Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza.
15. Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifarira munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira.
16. Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.
17. Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake.
18. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.
19. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.
20. Anoteerera shoko,achawana zvakanaka Anovimba naJehovha,anomufaro.
21. Anomoyo wakachenjera achanzi akangwara;Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo
22. Njere itsime roupenyu kuna vanadzo;Asi kuraira kwamapenzi hupenzi
23. Moyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake Uchawedzera dzidzo pamiromo yake
24. Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi,Zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.
25. Munhu anoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
26. Nzara yomubati inomubatira;nokuti muromo wake unomukurudzira.
27. Munhu asina maturo; anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake panomoto unopisa.
28. Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodanana.
29. Munhu anomanikidza,anonyengedzera wokwake,Achimutungamirira panzira isina kunaka.
30. Munhu anotsinzina meso ake,Anozviita kuti afunge zvakatsauka ,Anorumana miromo yake anoita zvakashata.
31. Vhudzi rachena ikorona yakaisvnaka,Inowanikwa panzira yokururama.
32. Anomoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wako, anopfuura anotapa musha.
33. Mijenya inokandirwa panguvo dzechifuva;Asi zvirevo zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.

  Proverbs (16/31)