Proverbs (15/31)  

1. Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza moyo rinomutsa hasha.
2. Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi.
3. Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka.
4. Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya.
5. Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere.
6. Mumba mowakarurama mune fuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa.
7. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi moyo wamapenzi haudaro.
8. Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza.
9. Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama.
10. Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa.
11. Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda moyo yavana vavanhu.
12. Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera.
13. moyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomoyo une shungu.
14. moyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi.
15. Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomoyo wakafara anomutambo nguva dzose.
16. Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nefuma yakawanda, achinyunyuta.
17. Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo.
18. Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomoyo murefu anonyaradza gakava.
19. Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.
20. Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo.
21. Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama.
22. Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.
23. Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!
24. Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi.
25. Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganho wechirikadzi anousimbisa.
26. Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza.
27. Anokarira fuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama.
28. moyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa.
29. Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama.
30. Meso anobwinya anofadza moyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mapfupa.
31. Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera.
32. Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere.
33. Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

  Proverbs (15/31)