| ← Proverbs (15/31) → |
| 1. | Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza moyo rinomutsa hasha. |
| 2. | Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi. |
| 3. | Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka. |
| 4. | Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya. |
| 5. | Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere. |
| 6. | Mumba mowakarurama mune fuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa. |
| 7. | Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi moyo wamapenzi haudaro. |
| 8. | Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza. |
| 9. | Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama. |
| 10. | Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa. |
| 11. | Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda moyo yavana vavanhu. |
| 12. | Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera. |
| 13. | moyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomoyo une shungu. |
| 14. | moyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi. |
| 15. | Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomoyo wakafara anomutambo nguva dzose. |
| 16. | Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nefuma yakawanda, achinyunyuta. |
| 17. | Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo. |
| 18. | Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomoyo murefu anonyaradza gakava. |
| 19. | Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa. |
| 20. | Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo. |
| 21. | Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama. |
| 22. | Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa. |
| 23. | Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei! |
| 24. | Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi. |
| 25. | Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganho wechirikadzi anousimbisa. |
| 26. | Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza. |
| 27. | Anokarira fuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama. |
| 28. | moyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa. |
| 29. | Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama. |
| 30. | Meso anobwinya anofadza moyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mapfupa. |
| 31. | Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera. |
| 32. | Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere. |
| 33. | Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa. |
| ← Proverbs (15/31) → |