Proverbs (14/31)  

1. Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro.
2. Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi wakatsauka panzira dzake, anomudzidza.
3. Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta.
4. Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe.
5. Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema.
6. Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere.
7. Ibva pamberi pebenzi, Nokuti haungawani miromo yezivo kwaari.
8. Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera.
9. Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana.
10. moyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo.
11. Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka.
12. Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
13. Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema.
14. Ano moyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari.
15. Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake.
16. Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda.
17. Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa.
18. Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.
19. Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuo avakarurama.
20. Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavafumi izhinji.
21. Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro.
22. Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka
23. Kubata kwose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa.
24. Korona yavakachenjera ifuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo
25. Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera.
26. Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo Vana vowakadai vachava noutiziro.
27. Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
28. Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu.
29. Ano moyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi.
30. moyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa.
31. Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza.
32. Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake.
33. Uchenjeri hunogara pamoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa.
34. Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi.
35. Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.

  Proverbs (14/31)