| ← Proverbs (14/31) → |
| 1. | Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro. |
| 2. | Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi wakatsauka panzira dzake, anomudzidza. |
| 3. | Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta. |
| 4. | Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe. |
| 5. | Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema. |
| 6. | Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere. |
| 7. | Ibva pamberi pebenzi, Nokuti haungawani miromo yezivo kwaari. |
| 8. | Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera. |
| 9. | Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana. |
| 10. | moyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo. |
| 11. | Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka. |
| 12. | Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu. |
| 13. | Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema. |
| 14. | Ano moyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari. |
| 15. | Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake. |
| 16. | Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda. |
| 17. | Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa. |
| 18. | Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo. |
| 19. | Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuo avakarurama. |
| 20. | Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavafumi izhinji. |
| 21. | Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro. |
| 22. | Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka |
| 23. | Kubata kwose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa. |
| 24. | Korona yavakachenjera ifuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo |
| 25. | Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera. |
| 26. | Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo Vana vowakadai vachava noutiziro. |
| 27. | Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu. |
| 28. | Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu. |
| 29. | Ano moyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi. |
| 30. | moyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa. |
| 31. | Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza. |
| 32. | Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake. |
| 33. | Uchenjeri hunogara pamoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa. |
| 34. | Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi. |
| 35. | Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye. |
| ← Proverbs (14/31) → |