Proverbs (13/31)  

1. Mwanakomana akachenjera anoteerera kuraira kwababa vake; Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa.
2. Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza.
3. Anorindira muromo wake, anochengeta hupenyu hwake; Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa.
4. Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa; Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa.
5. Akarurama anovenga nhema; Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa.
6. Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
7. Mumwe ariko anozviti ndiri mufumi, kunyange asina chinhu; Mumwe ariko unozviti ndiri murombo, asi ane fuma zhinji.
8. Rudzikunuro rwoupenyu hwomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyityidzira.
9. Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje wavakaipa uchadzimwa.
10. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.
11. fuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari.
12. Tariro kana ichinonoka, inoodza moyo; Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.
13. Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro.
14. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
15. Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu.
16. Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo.
17. Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa.
18. Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa.
19. Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata.
20. Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.
21. Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.
22. Munhu, akanaka, achasiyira vana vavana vake nhaka; Asi fuma yomutadzi inochengeterwa akarurama.
23. Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kwokusarurama.
24. Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka.
25. Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.

  Proverbs (13/31)