← Proverbs (13/31) → |
1. | Mwanakomana akachenjera anoteerera kuraira kwababa vake; Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa. |
2. | Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza. |
3. | Anorindira muromo wake, anochengeta hupenyu hwake; Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa. |
4. | Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa; Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa. |
5. | Akarurama anovenga nhema; Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa. |
6. | Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi. |
7. | Mumwe ariko anozviti ndiri mufumi, kunyange asina chinhu; Mumwe ariko unozviti ndiri murombo, asi ane fuma zhinji. |
8. | Rudzikunuro rwoupenyu hwomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyityidzira. |
9. | Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje wavakaipa uchadzimwa. |
10. | Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa. |
11. | fuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari. |
12. | Tariro kana ichinonoka, inoodza moyo; Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu. |
13. | Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro. |
14. | Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu. |
15. | Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu. |
16. | Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo. |
17. | Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa. |
18. | Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa. |
19. | Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata. |
20. | Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa. |
21. | Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka. |
22. | Munhu, akanaka, achasiyira vana vavana vake nhaka; Asi fuma yomutadzi inochengeterwa akarurama. |
23. | Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kwokusarurama. |
24. | Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka. |
25. | Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa. |
← Proverbs (13/31) → |