| ← Proverbs (12/31) → |
| 1. | Anoda kurairirwa, anoda zivo; Asi anovenga kurairwa ibenzi. |
| 2. | Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha, Asi achapa mhosva munhu ana mano akaipa. |
| 3. | Munhu haangasimbiswi nezvakaipa; Asi mudzi wowakarurama haungazununguswi. |
| 4. | Mukadzi anoita zvakanaka, ikorona yomurume wake; Asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamapfupa ake. |
| 5. | Mifungo yowakarurama yakarurama; Asi mano avakaipa anonyengedzera. |
| 6. | Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa; Asi muromo wavakarurama uchavarwira. |
| 7. | Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo; Asi imba yavakarurama icharamba imire. |
| 8. | Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake; Asi ane moyo akatsauka, achazvidzwa. |
| 9. | Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya. |
| 10. | Akarurama ane hanya noupenyu hwechipfuwo chake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha. |
| 11. | Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi anotevera zvisina maturo, anoshaiwa njere. |
| 12. | Akaipa anopanga zvaangapamba kuna vakashata; Asi mudzi wavakaipa unobereka zvibereko. |
| 13. | Pakudarika kwemiromo panomusungo wavakaipa; Asi akarurama achabuda panhamo |
| 14. | Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake. |
| 15. | Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake; Asi akachenjera anoteerera kana achirairwa. |
| 16. | Kutsamwa kwebenzi kunozikanwa pakarepo; Asi akachenjera anovanza kunyadziswa kwake |
| 17. | munhu anoreva zvokwadi anoparidza zvakarurama; Asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera. |
| 18. | Mumwe ariko anotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; Asi rurimi rwowakachenjera runoporesa. |
| 19. | Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi; Asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku. |
| 20. | Kunyengedzera kuri mumoyo yavanofunga mano akaipa, Asi vanorairira zvorugare vanomufaro. |
| 21. | Akarurama haangatongowirwi nechakaipa; Asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata. |
| 22. | Miromo, ine nhema, inonyangadza Jehovha; Asi vanoita nokutendeka vanomufadza. |
| 23. | Munhu akachenjera anovanza zivo; Asi moyo yamapenzi inoparidza upenzi. |
| 24. | Ruoko rwavasine usimbe ruchabata ushe; Asi vane usimbe vachabatiswa chibharo. |
| 25. | Kutambudzika pamoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza. |
| 26. | Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka; Asi nzira yowakaipa inovarashisa. |
| 27. | Simbe haibati mhuka yayamutsa, Asi kusava neusimbe ifuma yomunhu. |
| 28. | Panzira yakarurama ndipo panoupenyu; Kwainoenda hakuna rufu. |
| ← Proverbs (12/31) → |