← Proverbs (11/31) → |
1. | Chiyero chinonyengedzera chi nonyangadza kuna Jehovha; Asi kurema kwakakwana kunomufadza. |
2. | Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa. |
3. | Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira; Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchavaparadza. |
4. | fuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; Asi kururama kunorwira parufu. |
5. | Kururama kwowakakwana kucharuramisa nzira yake; Asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake. |
6. | Kururama kwavakarurama kuchavarwira; Asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo. |
7. | Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa; Tariro yavakashata inoparadzwa. |
8. | Wakarurama anorwirwa pakutambudzika; Wakaipa anopinda pachigaro chake. |
9. | Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake; Asi wakarurama acharwirwa nezivo. |
10. | Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo; Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa. |
11. | Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa. |
12. | Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere. |
13. | Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Asi ano moyo wakatendeka, anofukidza mhaka. |
14. | Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; Asi pavarairiri vazhinji ndipo panoruponeso. |
15. | Wakazviita rubatso pamusoro pomutorwa, achaona nhamo nokuda kwazvo; Asi anovenga kuzviita rubatso, ndiye wakasimba. |
16. | Mukadzi muuya anokudzwa; Vakasimba vanochengeta fuma dzavo. |
17. | Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake. |
18. | Wakaipa anopiwa mubayiro wokunyengedzera; Asi anokusha kururama achawana mubayiro wazvokwadi. |
19. | Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake. |
20. | Vane moyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza. |
21. | Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurohwa; Asi vana vavakarurama vacharwirwa. |
22. | Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso asina kungwara. |
23. | Zvinodikanwa navakarurama zvakanaka bedzi; Asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa. |
24. | Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa; Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa. |
25. | Chipavhurire achakodzwa; Uye anodiridza achadiridzwawo. |
26. | Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; Asi mikomborero ichava pamusoro woanozvitengesa. |
27. | Anoshingairira zvinhu zvakanaka, anotsvaka zvinofadza; Asi anotsvaka zvakashata, achasvikirwawo nazvo. |
28. | Anovimba nefuma yake, achawa; Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro. |
29. | Anotambudza imba yake, achagara nhaka yemhepo; Benzi richava muranda woanomoyo wakachenjera. |
30. | Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu; Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera. |
31. | Tarirai, wakarurama achapiwa mubayiro panyika; Ndoda wakaipa nomutadzi! |
← Proverbs (11/31) → |