Proverbs (11/31)  

1. Chiyero chinonyengedzera chi nonyangadza kuna Jehovha; Asi kurema kwakakwana kunomufadza.
2. Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.
3. Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira; Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchavaparadza.
4. fuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; Asi kururama kunorwira parufu.
5. Kururama kwowakakwana kucharuramisa nzira yake; Asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake.
6. Kururama kwavakarurama kuchavarwira; Asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo.
7. Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa; Tariro yavakashata inoparadzwa.
8. Wakarurama anorwirwa pakutambudzika; Wakaipa anopinda pachigaro chake.
9. Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake; Asi wakarurama acharwirwa nezivo.
10. Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo; Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa.
11. Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.
12. Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere.
13. Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Asi ano moyo wakatendeka, anofukidza mhaka.
14. Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; Asi pavarairiri vazhinji ndipo panoruponeso.
15. Wakazviita rubatso pamusoro pomutorwa, achaona nhamo nokuda kwazvo; Asi anovenga kuzviita rubatso, ndiye wakasimba.
16. Mukadzi muuya anokudzwa; Vakasimba vanochengeta fuma dzavo.
17. Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.
18. Wakaipa anopiwa mubayiro wokunyengedzera; Asi anokusha kururama achawana mubayiro wazvokwadi.
19. Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake.
20. Vane moyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza.
21. Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurohwa; Asi vana vavakarurama vacharwirwa.
22. Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso asina kungwara.
23. Zvinodikanwa navakarurama zvakanaka bedzi; Asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa.
24. Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa; Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa.
25. Chipavhurire achakodzwa; Uye anodiridza achadiridzwawo.
26. Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; Asi mikomborero ichava pamusoro woanozvitengesa.
27. Anoshingairira zvinhu zvakanaka, anotsvaka zvinofadza; Asi anotsvaka zvakashata, achasvikirwawo nazvo.
28. Anovimba nefuma yake, achawa; Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.
29. Anotambudza imba yake, achagara nhaka yemhepo; Benzi richava muranda woanomoyo wakachenjera.
30. Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu; Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera.
31. Tarirai, wakarurama achapiwa mubayiro panyika; Ndoda wakaipa nomutadzi!

  Proverbs (11/31)