Proverbs (10/31)  

1. Zvirevo zvaSoromoni. Mwanakomana, akachenjera, anofadza baba; Asi mwanakomana benzi anoshuwisa mai vake.
2. fuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu; Asi kururama kunorwira parufu.
3. Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; Asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure.
4. Anobata noruoko rusine hanya, achava murombo; Asi ruoko rweasina usimbe runofumisa.
5. Anounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera; Asi anovata hope mukukohwa, mwanakomana anonyadzisa.
6. Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
7. Kuyeukwa kwowakarurama kunovigira kuropafadzwa, Asi zita rowakaipa richaora.
8. Ane moyo wakachenjera, achagamuchira mirairo; Asi ane miromo youpenzi achawisirwa pasi.
9. Anofamba zvakarurama, anofamba zvakasimba; Asi anominamisa nzira dzake, achazikanwa.
10. Anochonya neziso rake, anouyisa madambudzo; Asi ane miromo youpenzi, achawisirwa pasi.
11. Muromo wowakarurama itsime roupenyu; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
12. Mbengo dzinomutsa kukakavara; Asi rudo runofukidza kudarika kwose.
13. Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; Asi shamhu yakafanira musana woanoshaiwa njere.
14. Vakachenjera vanozvichengetera zivo; Asi muromo webenzi uri pedo nokuparadzwa.
15. fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba; Zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo.
16. Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu; Zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi.
17. Anoteerera kurairirwa, ari panzira youpenyu; Asi anoramba kurairwa, anotsausa vamwe.
18. Anovanza kuvenga, ane miromo yenhema; Ana makuhwa, ibenzi.
19. Kudarika hakungakoni pamunhu anamashoko mazhinji; Asi anodzora miromo yake, ano huchenjeri.
20. Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirivha yakasarurwa; moyo wowakaipa haubatsiri chinhu.
21. Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji; Asi mapenzi anofa nokushaiwa zivo.
22. Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; Kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.
23. Benzi rinoti kuita zvakaipa kutamba; Ndizvo zvinoitawo uchenjeri kuno ane njere.
24. Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira; Asi wakarurama achapiwa zvaanoda.
25. Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo; Asi wakarurama ane nheyo dzisingaperi.
26. Sezvinoita vhininga pameno, noutsi pameso, Ndizvo zvakaita simbe kuna vanomutuma.
27. Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; Asi makore owakaipa achatapudzwa.
28. Tariro yavakarurama mufaro; Asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.
29. Nzira yaJehovha inhare kunowakarurama; Asi ndiko kuparadzwa kuna vanoita zvakaipa.
30. Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi; Asi vakaipa havangarambi vagere panyika.
31. Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri; Asi rurimi rune nhema ruchabviswa.
32. Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza; Asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema.

  Proverbs (10/31)