| ← Philippians (4/4) |
| 1. | Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwa vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo munaShe, vadikanwa. |
| 2. | Ndinokumbira zvikuru Yuodia, ndinokumbira zvikuru Sintike, kuti vave nomoyo mumwe munaShe. |
| 3. | Hongu, newe vo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paEvhangeri, pamwe chete naKremensi, navamwe vakabata pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku yovupenyu. |
| 4. | Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidza zve: Farai. |
| 5. | Vunyoro bwenyu ngabwuzikanwe navanhu vose. Ishe uri pedo. |
| 6. | Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga. |
| 7. | Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kwose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu munaKristu Jesu. |
| 8. | Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo. |
| 9. | Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakavona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi. |
| 10. | Ndakafara zvikuru munaShe, nokuti zvino makapepuka zve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashaiwa nguva. |
| 11. | Handirevi izvozvi nokuti ndinoshaiwa, nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. |
| 12. | Ndinoziva vurombo, ndinozivavo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa. |
| 13. | Ndingaita zvinhu zvose naKristu unondisimbisa. |
| 14. | Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasongana neni pakutambudzika kwangu. |
| 15. | Munoziva vo, imi vaFiripi, kuti pakutanga kweEvhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasinekereke imwe yakasongana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga; |
| 16. | nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipiri zve, pakushaiwa kwangu. |
| 17. | Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho. |
| 18. | Zvino ndava nezvose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamuchira kunaEpafrodito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sobwema bwunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari. |
| 19. | Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubwinya, munaKristu Jesu. |
| 20. | Zvino Mwari, Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. |
| 21. | Ndikwazisirei mutsvene mumwe nomumwe munaKristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai. |
| 22. | Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari. |
| 23. | Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Amen. |
| ← Philippians (4/4) |