| ← Philippians (3/4) → |
| 1. | Pakupedzisira, hama dzangu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai zve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi. |
| 2. | Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka; |
| 3. | nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata Mwari muMweya, tinozvirumbidza munaKristu Jesu, tisingavimbi nenyama, |
| 4. | kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu unoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini. |
| 5. | Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurairo ndiri muFarise; |
| 6. | pakushingaira kwangu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebwa nomurairo ndakanga ndisina chandingapomerwa. |
| 7. | Asi izvozvo, zvaiva fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. |
| 8. | Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu,wandakarashikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu; |
| 9. | ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMwari nenzira yokutenda |
| 10. | kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusongana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; |
| 11. | kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa. |
| 12. | Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairira 'ko, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira. |
| 13. | Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kunezviri mberi. |
| 14. | ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, munaKristu Jesu. |
| 15. | Naizvozvo isu tose, takakwana, ngative nomoyo wakadaro; kana imi muno mumwe moyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvo vo. |
| 16. | Asi, apo patasvika ngatirambe tichifamba bedzi nomurairo iwoyu tifunge chinhu chimwe. |
| 17. | Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai su. |
| 18. | Nokuti vazhinji, vandakakuvudzai kazhinji, nazvino ndinokuvudzai vo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu; |
| 19. | kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika. |
| 20. | Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuvuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; |
| 21. | uyo uchavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogona vo naro kuzviisira zvose pasi pake. |
| ← Philippians (3/4) → |