| ← Philippians (2/4) → |
| 1. | Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kunaKristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mumoyo nokunzwira tsitsi, |
| 2. | zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, |
| 3. | musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuvura iye pakunaka; |
| 4. | mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwe vo. |
| 5. | Ivai nomoyo uyo, wakanga uri munaKristu Jesu vo; |
| 6. | iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndechinhu chinofanira kubatisiswa; |
| 7. | asi wakazviita usina maturo, akazvitorera chimiro chomuranda, akaitwa nomufananidzo womunhu. |
| 8. | akati awanikwa anomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akaterera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. |
| 9. | Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuvura mazita ose; |
| 10. | kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, ezviri kudenga nezviri panyika, nezviri pasi penyika, |
| 11. | kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, baba, arumbidzwe. |
| 12. | Naizvozvo, vadikanwa vangu, sezvamakaterera nguva dzose, ndisati ndiripo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera; |
| 13. | nokuti ndiMwari unobata mukati menyu, kuti mude vuye muite kuda kwake kwakanaka. |
| 14. | Itai zvose musinganyunyuti, musinenharo; |
| 15. | kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasine mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunopenya pakati parwo semwenje panyika; |
| 16. | makabatisisa shoko rovupenyu; kuti ndive nechandinga zvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata pasina. |
| 17. | Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nebasa rokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. |
| 18. | Nokuda kwaizvozvo nemi vo mufare nokufarisisa neni. |
| 19. | MunaShe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. |
| 20. | Nokuti handino mumwe munhu unomoyo wakaita sowake, uchava nehanya kwazvo nezvenyu. |
| 21. | Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu. |
| 22. | Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwe chete neni paEvangeri, somwana unobatira baba vake. |
| 23. | Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndavona kuti zvangu zvakadini; |
| 24. | asi ndinotenda munaShe kuti neni vo ndimene ndichakurumidza kuvuya. |
| 25. | Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushaiwa kwangu; |
| 26. | zvaakanga achikushuvai zvikuru imi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imi makanga manzwa kuti unorwara. |
| 27. | Nokuti wakanga achirwara kwazvo, ari pedo nokufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neni vo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo. |
| 28. | Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuvone, mufare zve, neni ndirege kuva nenhamo. |
| 29. | Naizvozvo mumugamuchirei munaShe nomufaro wose, vuye mukudze vakadai; |
| 30. | nokuti nokuda kwebasa raKristu wakanga oda kufa, akasarangarira vupenyu bwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi. |
| ← Philippians (2/4) → |