Philippians (2/4)  

1. Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kunaKristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mumoyo nokunzwira tsitsi,
2. zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe,
3. musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuvura iye pakunaka;
4. mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwe vo.
5. Ivai nomoyo uyo, wakanga uri munaKristu Jesu vo;
6. iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndechinhu chinofanira kubatisiswa;
7. asi wakazviita usina maturo, akazvitorera chimiro chomuranda, akaitwa nomufananidzo womunhu.
8. akati awanikwa anomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akaterera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.
9. Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuvura mazita ose;
10. kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, ezviri kudenga nezviri panyika, nezviri pasi penyika,
11. kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, baba, arumbidzwe.
12. Naizvozvo, vadikanwa vangu, sezvamakaterera nguva dzose, ndisati ndiripo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera;
13. nokuti ndiMwari unobata mukati menyu, kuti mude vuye muite kuda kwake kwakanaka.
14. Itai zvose musinganyunyuti, musinenharo;
15. kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasine mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunopenya pakati parwo semwenje panyika;
16. makabatisisa shoko rovupenyu; kuti ndive nechandinga zvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata pasina.
17. Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nebasa rokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose.
18. Nokuda kwaizvozvo nemi vo mufare nokufarisisa neni.
19. MunaShe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu.
20. Nokuti handino mumwe munhu unomoyo wakaita sowake, uchava nehanya kwazvo nezvenyu.
21. Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu.
22. Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwe chete neni paEvangeri, somwana unobatira baba vake.
23. Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndavona kuti zvangu zvakadini;
24. asi ndinotenda munaShe kuti neni vo ndimene ndichakurumidza kuvuya.
25. Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushaiwa kwangu;
26. zvaakanga achikushuvai zvikuru imi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imi makanga manzwa kuti unorwara.
27. Nokuti wakanga achirwara kwazvo, ari pedo nokufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neni vo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo.
28. Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuvone, mufare zve, neni ndirege kuva nenhamo.
29. Naizvozvo mumugamuchirei munaShe nomufaro wose, vuye mukudze vakadai;
30. nokuti nokuda kwebasa raKristu wakanga oda kufa, akasarangarira vupenyu bwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi.

  Philippians (2/4)