Philippians (1/4) → |
1. | Pauro naTimotio, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose munaKristu Jesu, vari paFiripi, navatariri navaranda vekereke: |
2. | Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu. |
3. | Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikurangarirai, |
4. | ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamsoro penyu mose |
5. | nokuda kwokusongana kwenyu paEvhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino; |
6. | ndichiziva chinhu ichi, kuti iye wakatanga basa rakanaka mukati menyu, ucharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu; |
7. | sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakutavirira nokusimbisa Evhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwe chete neni. |
8. | Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu. |
9. | Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakunzva nokunzwisisa kwose; |
10. | kuti muidze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, navasine mhosva, kusvikira pazuva raKristu; |
11. | muzere nechibereko chokururama, chinovuya naJesu Kristu, kuti Mwari ave nokubwinya nokurumbidzwa. |
12. | Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Evhangeri; |
13. | nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri munaKristu. |
14. | Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi. |
15. | Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomoyo wakanaka; |
16. | mumwe unoparidza Kristu nenharo, asingaiti nomoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu. |
17. | Vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti nditavirire Evhangeri. |
18. | Zvisinei hazvo? asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nezvokwadi; ndinofara nazvo, vuye ndichasifara hangu nazvo. |
19. | Nokuti ndinoziva kuti nokuda kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMweya waJesu Kristu, izvozvi zvichava kuponeswa kwangu, |
20. | zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kwose Kristu uchakudzwa mumuviri wangu, kana novupenyu, kana nokufa. |
21. | Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma. |
22. | Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura; |
23. | zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuvura nokunaka; |
24. | asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama. |
25. | Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemi mose, kuti mupfuvurire mberi, mufare pakutenda; |
26. | kuti muzvirumbidze zvikuru munaKristu Jesu pamusoro pangu nokuda kwokudzokera kwangu kwamuri. |
27. | Asi fambai bedzi zvakafanira Evhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikavuya ndikakuvonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomoyo mumwe, muchirwira kutenda kweEvhangeri; |
28. | musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kunaMwari. |
29. | Nokuti nokuda kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike vo nokuda kwake; |
30. | imi muchirwa vo nokurwa uku kwamakavona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa nazvino. |
Philippians (1/4) → |