| Philemon (1/1) |
| 1. | Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimotio, hama yedu, kunaFiremoni, mudikanwa wedu nounobata nesu, |
| 2. | nokunaApfia, hanzvadzi yedu, nokunaArkipo, murwi pamwe chete nesu, nokukereke iri mumba mako; |
| 3. | Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu. |
| 4. | Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose kana ndichikurangarirai paminyengetero yangu. |
| 5. | Zvandinonzwa zvorudo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuvatsvene vose; |
| 6. | Kuti kugovana kokutenda kwako kuve nesimba Nokuzivisa zvakanaka zvose zviri mauri munaKristu Jesu. |
| 7. | Nokuti tinomufaro mukuru nokunyaradzwa murudo rwako, nokuti moyo yavatswene yakavaraidzwa newe hama yangu. |
| 8. | Naizvozvo, kunyange ndisingatongotyi munaKristu kukuraira kuita zvakafanira, |
| 9. | kunyange zvakadaro, nokuda kworudo ndinoita zvokukumbira zvikuru, zvandakadai hangu, ini Pauro, mutana, vuye zvino musungwa waKristu Jesu. |
| 10. | Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo, |
| 11. | wakanga asingakubatsiri kare, asi zvino unokubatsira zvikuru, iwe neni; |
| 12. | wandatumirazve kwauri, naizvozvo iwe umugamuchire uyo uri vura hwangu chaibwo. |
| 13. | ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweEvhangeri; |
| 14. | asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako. |
| 15. | Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nokusingaperi; |
| 16. | arege kuzova muranda, asi munhu unopfuvura muranda, ave hama inodikanwa, munyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri. |
| 17. | Zvino kana uchiti ndiri mugovani newe, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini. |
| 18. | Asi kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange anengava newe, undiravireni izvozvo. |
| 19. | Ini Pauro, ndinozvinyora noruvoko rwangu, ndicharipa; ndisingarevi hangu kuti pamusoro pezvose unengava kwandiri, ndiyewe umene. |
| 20. | Hongu, hama, ngandive nomufaro kwauri munaShe; uzorodze moyo wangu munaKristu. |
| 21. | Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuterera kwako, ndichiziva kuti uchaita vo kupfuvura pandinoreva napo. |
| 22. | Asi ndigadzirire vopokugara, nokuti ndinotarira kuti muchandipiwa ini nokuda kwokunyengetera kwenyu. |
| 23. | Epafrasi, musungwa pamwe chete neni munaKristu, unokukwazisa. |
| 24. | NaMarko, naAristarko, naDemasi, naRuka, vanobate-basa pamwe chete neni. |
| 25. | Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. |
| Philemon (1/1) |