Obadiah (1/1) |
1. | Zvakaonekwa naObhadhiya. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro paEdhomu, "Takanzwa mashoko akabva kuna Jehovha, nhume yatumwa pakati pamarudzi ichiti, `Simukai, ngativamukire kuzorwa navo.' |
2. | "Tarirai, ndakakuitai vaduku pakati pamarudzi, makazvidzwa kwazvo. |
3. | "Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi, mugere mumikaha yamatombo, munougaro hwakakwirira, vanoti mumwoyo yavo, `Ndianiko ungatiwisira pasi?' |
4. | "Kunyange mukabhururukira kumusoro segondo, uye kunyange dendere renyu rikaiswa pakati penyeredzi, ndichakuwisiraipo pasi ndizvo zvinotaura Jehovha. |
5. | Dai mbavha dzaisvika kwamuri, kana makororo usiku (aiwa, makaparadzwa sei!) havazaiba kusvikira varinganiswa here? Dai vatanhi vamazambiringa vaisvika kwamuri, havazaisiya mamwe mazambiringa aripo here? |
6. | Zvinhu zvaEsau zvakanzverwa sei! fuma yavo, yakavanzwa, yakafukunurwa sei! |
7. | Vanhu vose vaiva nesungano nemi, vakakuperekedzai kusvikira kumuganho; vanhu, vaigara norugare nemi, vakakunyengerai, vakakukundai; vanodya zvokudya zvenyu, vanokuteyerai musungo pasi penyu, havana njere mukati mavo. |
8. | Ko handingaparadzi nezuva iro vachenjeri pakati paEdhomu, nenjere pagomo raEsau here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. |
9. | Mhare dzako, iwe Temani, ndichavhunduka, kuti vose vapere nokuurawa pagomo raEsau. |
10. | Uchafukidzwa nokunyara nemhaka yokuti wakamukira mun’una wako simba, uchaparadzwa nokusingaperi. |
11. | Nezuva ramakanga mumirepo makatarisana navo, nezuva ravakatorera fuma yavo navatorwa, vasi venyika iyo vachipinda masuo avo, vachikanda mije nya pamusoro peJerusaremu, nemiwo makanga makaita somumwe wavo. |
12. | Asi regai kutarira zuva romun’una wenyu, muchifarira zuva renjodzi yavo, murege kufara pamusoro pavana vaJudha nezuva rokuparadzwa kwavo; uye regai kutaura muchizvikudza nezuva rokumanikidzwa kwavo. |
13. | Regai kupinda pasuo ravanhu vangu nezuva renhamo yavo; regai kutarira njodzi yavo nezuva renhamo yavo, regai kuvatorera fuma yavo nezuva renhamo yavo. |
14. | Regai kumira pamharadzano, kuti muparadze vanhu vavo vanopukunyuka; regai kuisa kuvavengi vavo vanhu vavo vakasara nezuva rokumanikidzwa kwavo. |
15. | Nokuti zuva raJehovha raswedera kumarudzi ose; sezvamakaitira vamwe, muchaitirwawo saizvozvo; zvamakaita zvichadzokera pamisoro yenyu. |
16. | Nokuti sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvo marudzi ose acharamba achinwa; zvirokwazvo, vachanwa, nokumedza, vachaita savasina kumbovapo. |
17. | Asi pagomo relioni ndipo pachava navakapukunyuka, richava gomo dzvene; imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo. |
18. | Imba yaJakobho ichava moto, imba yaJosefa murazvo womoto, uye imba yaEsau mashanga; vachapisa vamwe pakati pavo, nokuvapedza; hakuchina vachasarira imba yaEsau, nokuti Jehovha akataura izvozvo. |
19. | Vokurutivi rwezasi vachatora gomo raEsau, vokumapani vachatora nyika yavaFirisitia; vachatora nyika yaEfuremu nenyika yeSamaria; Benjamini vachatora nyika yeGiriyadhi. |
20. | Vatapwa vehondo iyi yavana vaIsiraeri, vagere pakati pavaKanani, vachatora nyika kusvikira Zarefati; vatapwa veJerusaremu, vari Sefaradhi, vachatora maguta okurutivi rwezasi. |
21. | Vaponesi vachakwira pagomo relioni kuzotonga gomo raEsau; ushe huchava hwaJehovha." |
Obadiah (1/1) |