Obadiah (1/1)    

1. Zvakaonekwa naObhadhiya. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro paEdhomu, "Takanzwa mashoko akabva kuna Jehovha, nhume yatumwa pakati pamarudzi ichiti, `Simukai, ngativamukire kuzorwa navo.'
2. "Tarirai, ndakakuitai vaduku pakati pamarudzi, makazvidzwa kwazvo.
3. "Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi, mugere mumikaha yamatombo, munougaro hwakakwirira, vanoti mumwoyo yavo, `Ndianiko ungatiwisira pasi?'
4. "Kunyange mukabhururukira kumusoro segondo, uye kunyange dendere renyu rikaiswa pakati penyeredzi, ndichakuwisiraipo pasi ndizvo zvinotaura Jehovha.
5. Dai mbavha dzaisvika kwamuri, kana makororo usiku (aiwa, makaparadzwa sei!) havazaiba kusvikira varinganiswa here? Dai vatanhi vamazambiringa vaisvika kwamuri, havazaisiya mamwe mazambiringa aripo here?
6. Zvinhu zvaEsau zvakanzverwa sei! fuma yavo, yakavanzwa, yakafukunurwa sei!
7. Vanhu vose vaiva nesungano nemi, vakakuperekedzai kusvikira kumuganho; vanhu, vaigara norugare nemi, vakakunyengerai, vakakukundai; vanodya zvokudya zvenyu, vanokuteyerai musungo pasi penyu, havana njere mukati mavo.
8. Ko handingaparadzi nezuva iro vachenjeri pakati paEdhomu, nenjere pagomo raEsau here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
9. Mhare dzako, iwe Temani, ndichavhunduka, kuti vose vapere nokuurawa pagomo raEsau.
10. Uchafukidzwa nokunyara nemhaka yokuti wakamukira mun’una wako simba, uchaparadzwa nokusingaperi.
11. Nezuva ramakanga mumirepo makatarisana navo, nezuva ravakatorera fuma yavo navatorwa, vasi venyika iyo vachipinda masuo avo, vachikanda mije nya pamusoro peJerusaremu, nemiwo makanga makaita somumwe wavo.
12. Asi regai kutarira zuva romun’una wenyu, muchifarira zuva renjodzi yavo, murege kufara pamusoro pavana vaJudha nezuva rokuparadzwa kwavo; uye regai kutaura muchizvikudza nezuva rokumanikidzwa kwavo.
13. Regai kupinda pasuo ravanhu vangu nezuva renhamo yavo; regai kutarira njodzi yavo nezuva renhamo yavo, regai kuvatorera fuma yavo nezuva renhamo yavo.
14. Regai kumira pamharadzano, kuti muparadze vanhu vavo vanopukunyuka; regai kuisa kuvavengi vavo vanhu vavo vakasara nezuva rokumanikidzwa kwavo.
15. Nokuti zuva raJehovha raswedera kumarudzi ose; sezvamakaitira vamwe, muchaitirwawo saizvozvo; zvamakaita zvichadzokera pamisoro yenyu.
16. Nokuti sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvo marudzi ose acharamba achinwa; zvirokwazvo, vachanwa, nokumedza, vachaita savasina kumbovapo.
17. Asi pagomo relioni ndipo pachava navakapukunyuka, richava gomo dzvene; imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.
18. Imba yaJakobho ichava moto, imba yaJosefa murazvo womoto, uye imba yaEsau mashanga; vachapisa vamwe pakati pavo, nokuvapedza; hakuchina vachasarira imba yaEsau, nokuti Jehovha akataura izvozvo.
19. Vokurutivi rwezasi vachatora gomo raEsau, vokumapani vachatora nyika yavaFirisitia; vachatora nyika yaEfuremu nenyika yeSamaria; Benjamini vachatora nyika yeGiriyadhi.
20. Vatapwa vehondo iyi yavana vaIsiraeri, vagere pakati pavaKanani, vachatora nyika kusvikira Zarefati; vatapwa veJerusaremu, vari Sefaradhi, vachatora maguta okurutivi rwezasi.
21. Vaponesi vachakwira pagomo relioni kuzotonga gomo raEsau; ushe huchava hwaJehovha."

      Obadiah (1/1)