| ← Numbers (9/36) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavo panyika yeIjipiti akati, |
| 2. | "Vana vaIsiraeri vanofanira kutamba Pasika panguva yayo yakatarwa. |
| 3. | Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose." |
| 4. | Ipapo Mozisi akataura navana vaIsiraeri, kuti vatambe Pasika. |
| 5. | Ivo vakatamba Pasika nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, murenje reSinai zvese sezvakarairwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. |
| 6. | Zvino kwakanga kuna vamwe varume vakanga vasina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu, naizvozvo vakanga vasingagoni kudya Pasika nomusi iwoyo; naizvozvo vakauya kuna Mozisi naAroni nomusi iwoyo; |
| 7. | varume ava vakati kwaari, "Hatina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu; tingadziviswa seiko kupa chipo chaJehovha nenguva yacho yakatarwa pakati pavana vaIsiraeri?" |
| 8. | Mozisi akati kwavari, "Mirai, ndinzwe zvinorairwa naJehovha pamusoro penyu." |
| 9. | Jehovha akataura naMozisi akati, |
| 10. | "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Kana mumwe wenyu, kana wavana venyu, achinge ava usina kunaka nokuda kwechitunha, kana zvimwe ari kurwendo ruri kure, kunyange zvakadaro anofanira kutamba Pasika yaJehovha.' |
| 11. | Ivo vanofanira kuidya nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namana, madekwana; vanofanira kuidya nechingwa chisina kuviriswa nemiriwo inovava. |
| 12. | Havafaniri kusiya zvimwe kusvikira mangwana, kana kuvhuna pfupa rimwe rayo, asi vanofanira kuitamba vachiteerera mitemo yose yePasika. |
| 13. | Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya Pasika, munhu iyeye unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; zvaasina kupa chipo chaJehovha panguva yakatarwa, munhu uyo uchava nezvivi zvake. |
| 14. | Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurayiro wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika." |
| 15. | Nomusi wokumiswa kwetabhenakeri, gore rakafukidza tabhenakeri, iro tende rechipupuriro; madekwana rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakaita somoto kusvikira mangwana. |
| 16. | Zvakanga zvakadaro nguva dzose; gore rakaifukidza, asi usiku rakanga rakaita somoto. |
| 17. | Zvino nguva dzose kana gore richisimudzwa pamusoro petende, shure kwaizvozvo vana valsiraeri vaifamba; paindomira gore, ipapo vana vaIsiraeri vaidzika matende avo; |
| 18. | sezvavairairwa naJehovha, vana vaIsiraeri vaifamba, sezvavairairwa naJehovha vaidzika matende avo; nguva yose kana gore rimire pamusoro petabhenakeri, ivo vairambira mumatende avo. |
| 19. | Kana gore richirambira pamusoro petabhenakeri mazuva mazhinji,vana vaIsiraeri vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, vakasafamba. |
| 20. | Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri mazuva mashomanene; zvino sezvairaira Jehovha vairamba vagere pamatende avo, uye sezvairaira Jehovha vaifamba. |
| 21. | Dzimwe nguva gore raivapo kubva madeko kusvikira mangwana; zvino kana gore richisimudzwa mangwana, vaifamba; kana masikati kana usiku, kana gore richisimudzwa, vaifamba. |
| 22. | Kana gore rikaramba riri pamusoro payo, vana vaIsiraeri vairamba vagere mumatende avo, vasingafambi; asi kana rasimudzwa, vaifamba. |
| 23. | Sezvavairairwa naJehovha, vaidzika matende avo; sezvavairairwa naJehovha, vaifamba; vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, sezvakarairwa Jehovha nomuromo waMozisi. |
| ← Numbers (9/36) → |