Numbers (7/36)  

1. Zvino nomusi Mozisi waakapedza / kumisa tabhenakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, nearitari, nemidziyo yayo yose, akati azvizodza nokuzvitsaura,
2. machinda avaIsiraeri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, vakauya nezvipo zvavo; ndivo vaiva machinda amarudzi, ndivo vakanga vari vatariri vavanhu vakaverengwa;
3. vakauya nezvipo zvavo pamberi paJehovha, zvinoti: Ngoro nhanhatu dzaiva namatende, nenzombe dzine gumi nembiri, machinda maviri ane ngoro imwe, mumwe nomumwe ane nzombe imwe; vakauya nazvo pamberi petabhenakeri.
4. Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
5. "Gamuchira izvozvo kwavari, kuti mabasa etende rokusangana aitwe nazvo; unofanira kuzvipa vaRevhi, mumwe nomumwe zvinoringana mabasa ake."
6. Ipapo Mozisi akagamuchira ngoro idzo nenzombe, akazvipa vaRevhi.
7. Akapa vanakomana vaGeshoni ngoro mbiri nenzombe ina, zvakaringana mabasa avo.
8. Akapawo vanakomana vaMerari ngoro ina nenzombe sere, zvakaringana mabasa avo, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.
9. Asi haana kupa vanakomana vaKohati chinhu nokuti ndivo vakanga vane basa reimba tsvene; vaifanira kuzvitakura pamafudzi avo.
10. Machinda akauya nezvipo zvokutsaurira aritari nomusi wayakazodzwa nawo, machinda akauya nezvipo zvawo pamberi pearitari.
11. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Ngavauye nezvipo zvavo zvokutsaurira aritari, muchinda mumwe nomumwe nomusi wake."
12. Zvino akauya nechipo chake nezuva rokutanga akanga ari Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu, worudzi rwaJudha.
13. Chipo chake yakanga iri ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
14. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
15. nenzombe imwe negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,
16. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
17. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
18. Nezuva repiri Netaneri, mwanakomana waZuari, muchinda waIsakari, akauyisa chipo chake.
19. Akauya nechipo chake, chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
20. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
21. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
22. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
23. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuari.
24. Nezuva retatu Eriabhu, mwanakomana waHeroni, muchinda wavana vaZebhuruni, akauya.
25. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu,nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta chive chipiriso choupfu;
26. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
27. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
28. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
29. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriabhu, mwanakomana waHeroni.
30. Nezuva rechina Erizuri, mwanakomana waShedheuri, muchinda wavana vaRubheni, akauya.
31. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
32. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
33. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
34. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
35. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErizuri, mwanakomana waShedheuri.
36. Nezuva reshanu Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, muchinda wavana vaSimiyoni, akauya.
37. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
38. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
39. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
40. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
41. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
42. Nezuva retanhatu Eriasafi, mwanakomana waDheueri, muchinda wavana vaGadhi, akauya.
43. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, "
44. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
45. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
46. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
47. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriasafi, mwanakomana waDheueri.
48. Nezuva rechinomwe Erishama, mwanakomana waAmihudhi, muchinda wavana vaEfuremu, akauya.
49. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
50. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
51. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
52. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
53. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.
54. Nezuva rorusere Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, muchinda wa vana vaManase, akauya.
55. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
56. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
57. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
58. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
59. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
60. Nezuva repfumbamwe Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, muchinda wavana vaBhenjamini, akauya.
61. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
62. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
63. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
64. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
65. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.
66. Nezuva regumi Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, muchinda wavana vaDhani, akauya.
67. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
68. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
69. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
70. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
71. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
72. Nezuva regumi nerimwe Pagieri, mwanakomana waOkirani, muchinda wavana vaAsheri, akauya.
73. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
74. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
75. nenzombe imwe, negondohwe rimwe negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;
76. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
77. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaPagieri, mwanakomana waOkirani.
78. Nezuva regumi namaviri Ahira, mwanakomana waEnani, muchinda wavana vaNafutari, akauya.
79. Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
80. nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,
81. nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,
82. nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;
83. nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhira, mwanakomana waEnani.
84. Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari nomusi wayakazodzwa nawo namachinda aIsiraeri. Ndiro huru dzesirivha dzine gumi nembiri, nemidziyo yesirivha ine gumi nembiri, nendiro dzendarama dzine gumi nembiri;
85. ndiro imwe huru yesirivha yakasvika mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe nomumwe mashekeri ana makumi manomwe; sirivha yose yemidziyo yose yakasvika mashekeri ane zviuru zviviri namazana mana, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene;
86. nendiro dzine gumi nembiri dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, imwe neimwe yakanga ina mashekeri ane gumi, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; ndarama yose yendiro yakasvika mashekeri ane zana namakumi maviri;
87. nzombe dzose dzezvipiriso zvinopiswa dzakasvika nzombe dzine gumi nembiri, namakondohwe ane gumi namaviri, namakwayana amakondohwe egore rimwe ane gumi namaviri, nezvipiriso zvazvo zvoupfu; nenhongo dzembudzi gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi;
88. nzombe dzose dzechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa dzakasvika nzombe dzina makumi maviri neina, namakondohwe ana makumi matanhatu, nenhongo dzembudzi dzina makumi matanhatu, namakwayana amakondohwe egore rimwe ana makumi matanhatu. Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari, shure kwokuzodzwa kwayo.
89. Zvino Mozisi akati apinda mutende rokusangana, kuti ataure naye, akanzwa inzwi richitaura naye, richibva pachifunhiro chokuyananisa, chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pamakerubhi maviri: akataura naye.

  Numbers (7/36)