Numbers (6/36)  

1. Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
2. "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana murume, kunyange, mukadzi, akazvisunga nokupika kukuru, kupika kwomuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha;
3. anofanira kuramba waini nezvinobata, haafaniri kunwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kunwa muto wemizambiringa,kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.'
4. Mazuva ose okuzvitsaura kwake haafaniri kudya chinhu chinobva pamuti womuzambiringa kubva pasvurwe kusvika pamateko.
5. Mazuva ose okupika kwake kuzvitsaura haafaniri kuveurwa musoro wake nechiso; anofanira kuva mutsvene, nevhudzi romusoro wake anofanira kurirega rirebe, kusvikira mazuva apera aakazvitsaurira Jehovha nawo.
6. Ngaarege kuswedera kuchitunha mazuva ose aanozvitsaurira Jehovha nawo.
7. Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwababa vake, kana nokuda kwamai vake, kana nokuda kwomunun’una wake, kana nokuda kwehanzvadzi yake, kana vafa; nokuti akazvitsaurira Mwari.
8. Mutsvene kuna Jehovha mazuva ose okuzvinatsa kwake.
9. Kana munhu akafa kamwe-kamwe pedo naye, akasvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo anofanira kuveura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wechinomwe anofanira kuuveura.
10. Musi worusere anofanira kuuya kumupirisiti nenjiva mbiri kana twana twuviri twenjiva pamukova wetende rokusangana;
11. mupirisiti agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
12. Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nokuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.
13. "Ndiwo murayiro womuNaziri, kana mazuva okuzvitsaura kwake achinge apera. Anofanira kuiswa kumukova wetende rokusangana;
14. kuti ape Jehovha chipo chake, chinoti gwayana rimwe, regondohwe regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chinopiswa, negwayana rimwe resheche regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe risina kuremara, chive chipiriso chokuyananisa,
15. nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa, zvakazodzwa namafuta, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
16. mupirisiti anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha, ndokugadzira chipiriso chake chezvivi nechipiriso chake chinopiswa;
17. ndokuuya negondohwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupirisiti anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
18. Zvino muNaziri anofanira kuveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rokusangana, ndokutora vhudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamoto uri pasi pechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
19. Zvino mupirisiti anofanira kutora bandauko regondohwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.
20. Zvino mupirisiti anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomupirisiti, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri anganwe
21. ndiwo murayiro womuNaziri pakupika kwake, nechipo chake chokuzvitsaurira Jehovha, zvimwe zvaangagona kuuya nazvo zvisingaverengwi; sezvaakapika, ndizvo zvaanofanira kuita nomurayiro wokuzvitsaura nawo."
22. Jehovha akataura naMozisi, akati,
23. "Taura naAroni navanakomana vake, uti, `Munofanira kuropafadza vana vaIsiraeri nomutoo uyu:' Muti kwavari,
24. ‘Jehovha akuropafadze, akuchengete;
25. Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha;
26. Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.'
27. Nokudaro vachaisa zita rangu pavana vaIsiraeri; neni ndichavaropafadza."

  Numbers (6/36)