Numbers (5/36)  

1. Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2. "Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa.
3. Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo."
4. Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa, sezvakataura Jehovha naMozisi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. Zvakabiwa zvinofanira kudzoswa
5. Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
6. "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva;
7. Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira.
8. Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupirisiti, kunze kwegondohwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.'
9. Nezvipiriso zvinotsaurwa pazvinhu zvitsvene zvose zvavana valsiraeri, zvavanouya nazvo kumupirisiti, zvinofanira kuva zvake.
10. Zvinhu zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe zvinofanira kuva zvake; chinhu chipi nechipi chinopiwa mupirisiti nomunhu chinofanira kuva chake.
11. Jehovha akataura naMozisi akati,
12. "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana mukadzi womurume upi noupi akachinya, akamutadzira,
13. mumwe murume akavata naye, zvikavanzwa kumurume wake, zvikasazikanwa, iye akasvibiswa, asi vakashaiwa chapupu, naiye asina kubatwa achiita izvozvo;'
14. murume wake akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, wakasvibiswa kana zvimwe akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, usina kusvibiswa;
15. ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupirisiti, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti,chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.
16. Zvino muPirisita anofanira kumuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha
17. Ipapo mupirisiti anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu, mupirisiti agotorawo guruva riri pasi mutabhenakeri, ndokuriisa mumvura.
18. Zvino mupirisiti anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokusunungura vhudzi romusoro womukadzi, ndokuisa chipiriso chokurangaridza mumaoko ake, icho chipiriso choupfu cheshungu; mupirisiti ndokubata muruoko rwake mvura inovavisa, inouyisa kutuka.
19. Ipapo mupirisiti anofanira kumupikisa, achiti kumukadzi, `Kana kusina murume akavata newe, kana usina kutsaukira kune zvakaipa, uri pasi pomurume wako, usunungurwe hako pamvura iyi inovavisa, inouyisa kutuka;
20. asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukasvibiswa, mumwe murume asati ari murume wako achinge akavata newe,'
21. zvino mupirisiti anofanira kupikisa mukadzi mhiko inouyisa kutuka, mupirisiti ndokuti kumukadzi, `Jehovha ngaakuite chipiko chemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehovha achiwondisa hudyu yako nokuzvimbisa dumbu rako;
22. mvura iyi inouyisa kutuka ichapinda muura hwako, ndokuzvimbisa dumbu rako, nokuwondisa hudyu yako;' zvino mukadzi anofanira kuti, `Ameni, ameni.'
23. Ipapo mupirisiti anofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inovavisa.
24. Zvino anofanira kunwisa mukadzi mvura inovavisa, inouyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuvavise.
25. Zvino mupirisiti anofanira kutora chipiriso choupfu cheshungu paruoko rwomukadzi, ndokuzunguzira chipiriso choupfu pamberi paJehovha, ndokuuya nacho kuaritari;
26. mupirisiti ndokutora tsama imwe yechipiriso choupfu, kuti chive chokurangaridza chacho, ndokuhupisa paaritari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure.
27. Zvino kana amunwisa mvura iyo, kana achinge asvibiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inouyisa kutuka ichapinda maari, ikamuvavisa, dumbu rake richazvimba, nehudyu yake ichawonda; mukadzi uyu achava chituko pakati porudzi rwake.
28. Asi kana mukadzi uyo asina kusvibiswa, akanaka hake, achasunungurwa hake, akava nemimbazve.
29. Ndiwo murayiro weshungu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akachinya, akasvibiswa;
30. kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupirisiti agomuitira nomurayiro uyu wose.
31. Murume haangavi nemhosva, asi mukadzi anofanira kuva nemhosva yake."

  Numbers (5/36)