Numbers (36/36)    

1. Zvino vakuru vedzimba dzama dzibaba vemhuri yavana vaGiriyadhi, mwanakomana waManase, vemhuri dzavana vaJosefa, vakaswedera, vakataura pamberi paMozisi, napamberi pamachinda, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri,
2. vakati, "Jehovha akaraira tenzi wangu, kuti agovere nyika nemijenya pakati pavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo; uyezve, tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa vanasikana vaZerofehadhi, munun’una wedu, nhaka yake.
3. Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana vaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.
4. Zvino kana gore reJubheri ravana vaIsiraeri richisvika, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yorudzi kwavagere; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yorudzi rwamadzibaba edu."
5. Zvino Mozisi akaraira vana vaIsiraeri sezvakataura Jehovha, akati, "Rudzi rwavana vaJosefa runotaura kwazvo.
6. Ndiro shoko rakarairwa naJehovha pamusoro pavanasikana vaZerofehadhi: Ngavawanikwe navavanoda; asi ngavawanikwe naveimba yorudzi rwababa vavo.
7. Naizvozvo hapana nhaka yavana vaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana vaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo.
8. Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana vaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana vaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo.
9. Naizvozvo hapana nhaka ingazobva kuno rumwe rudzi, ikaenda kuno rumwe rudzi, nokuti marudzi avana vaIsiraeri achanamatira, rumwe norumwe, nhaka yarwo."
10. Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
11. Nokuti Mara, naTiriza, naHogira, naMirika, naNoa, ivo vanasikana vaZerofehadhi, vakawanikwa navanakomana vavanunguna vababa vavo.
12. Vakawanikwa padzimba dzavana vaManase, mwanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yababa vavo.
13. Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa vana vaIsiraeri naJehovha nomuromo waMozisi pamapani eMoabhu paJorodhani paJeriko.

  Numbers (36/36)