← Numbers (36/36) |
1. | Zvino vakuru vedzimba dzama dzibaba vemhuri yavana vaGiriyadhi, mwanakomana waManase, vemhuri dzavana vaJosefa, vakaswedera, vakataura pamberi paMozisi, napamberi pamachinda, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, |
2. | vakati, "Jehovha akaraira tenzi wangu, kuti agovere nyika nemijenya pakati pavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo; uyezve, tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa vanasikana vaZerofehadhi, munun’una wedu, nhaka yake. |
3. | Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana vaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya. |
4. | Zvino kana gore reJubheri ravana vaIsiraeri richisvika, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yorudzi kwavagere; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yorudzi rwamadzibaba edu." |
5. | Zvino Mozisi akaraira vana vaIsiraeri sezvakataura Jehovha, akati, "Rudzi rwavana vaJosefa runotaura kwazvo. |
6. | Ndiro shoko rakarairwa naJehovha pamusoro pavanasikana vaZerofehadhi: Ngavawanikwe navavanoda; asi ngavawanikwe naveimba yorudzi rwababa vavo. |
7. | Naizvozvo hapana nhaka yavana vaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana vaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo. |
8. | Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana vaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana vaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo. |
9. | Naizvozvo hapana nhaka ingazobva kuno rumwe rudzi, ikaenda kuno rumwe rudzi, nokuti marudzi avana vaIsiraeri achanamatira, rumwe norumwe, nhaka yarwo." |
10. | Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha. |
11. | Nokuti Mara, naTiriza, naHogira, naMirika, naNoa, ivo vanasikana vaZerofehadhi, vakawanikwa navanakomana vavanunguna vababa vavo. |
12. | Vakawanikwa padzimba dzavana vaManase, mwanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yababa vavo. |
13. | Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa vana vaIsiraeri naJehovha nomuromo waMozisi pamapani eMoabhu paJorodhani paJeriko. |
← Numbers (36/36) |