Numbers (35/36)  

1. Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati,
2. "Raira vana vaIsiraeri, kuti vape vaRevhi panhaka yavakagara ivo, maguta mavangagara; munofanirawo kupa vaRevhi ruwa runopoteredza maguta avo.
3. Vanofanira kuva namaguta mavangagara; noruwa rwawo runofanira kuva rwemombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose.
4. Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa vaRevhi, runofanira kutanga parusvingo rweguta ndokupoteredza guta kusvika pamakubhiti ane chiuru chimwe kunhivi dzose.
5. Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwezasi makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwokumusoro makubhiti ane zviuru zviviri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuva ruwa rwamaguta avo.
6. Maguta amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta matanhatu outiziro, amunofanira kuvapa, kuti muurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuvapa maguta ana makumi mana namaviri.
7. Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta ana makumi mana namasere, iwo noruwa rwawo.
8. Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo."
9. Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
10. "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana mayambuka Jorodhani, mukapinda munyika yeKenani,
11. munofanira kuzvisanangurira maguta, ave maguta outiziro kwamuri; kuti muurayi, anouraya munhu asingaiti nohwoni atizireko.
12. Maguta iwayo anofanira kuva kwamuri utiziro pamutsivi, kuti muurayi arege kufa, asina kumbotongwa pamberi peungano.
13. Maguta amunovapa, anofanira kuva kwamuri maguta matanhatu outiziro.
14. Munofanira kuvapa maguta matatu mhiri kwaJorodhani, namamwe maguta matatu munofanira kuvapa munyika yeKenani; ndiwo anofanira kuva maguta outiziro.
15. "Maguta iwayo matanhatu anofanira kuva utiziro kuvana vaIsiraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo; kuti mumwe nomumwe wakauraya munhu, asina kuita nohwoni, atizireko.
16. Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
17. Kana achinge amuuraya nebwe riri muruoko rwake, ringauraya munhu, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
18. Kana achinge amurova nenhumbi yamatanda iri muruoko rwake, ingauraya munhu, akafa, wava muurayi; muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
19. Mutsivi weropa ndiye anofanira kuuraya muurayi amene; kana akasangana naye, unofanira kumuuraya.
20. Kana achinge amusunga achimuvenga, kana kumuposhera, amuvandira, akafa;
21. kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.
22. Asi kana achinge amusunda kamwe-kamwe, asina kumuvenga, kana kumuposhera nechinhu, asina kumuvandira,
23. kana nebwe, ringauraya munhu, akarikanda pamusoro pake, asingamuoni, akafa, iye asina kumuvenga, kana kutsvaka kumukuvadza;
24. zvino ungano inofanira kutonga mhosva pakati pomukuvadzi nomutsivi weropa nemirairo iyi:
25. Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupirisiti mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.
26. Asi kana nguva ipi neipi muurayi akadarika muganhu weguta rake routiziro, kwaakanga atizira,
27. mutsivi weropa akamuwana kunze kwomuganhu weguta rako routiziro, mutsivi weropa akauraya muurayi uyo, iye haangavi nemhosva yeropa rake;
28. nokuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupirisiti mukuru afa; asi kana mupirisiti mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.
29. Izvi zvinofanira kuva kwamuri murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kwose.
30. Ani naani unouraya munhu, muurayi anofanira kuurawa nokupupura kwezvapupu; asi chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu akaurawa.
31. Uye hamufaniri kugamuchira dzikunuro pamusoro poupenyu hwomuurayi, anofanira kuti aurawe; asi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
32. Musagamuchira dzikunuro pamusoro pomunhu wakatizira kuguta routiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kusvikira mupirisiti afa.
33. Naizvozvo hamufaniri kusvibisa nyika mamugere, nokuti ropa rinosvibisa nyika; nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi kwoga neropa romunhu wakariteura.
34. Musasvibisa nyika mamugere, mandigerewo ini; nokuti ini Jehovha ndigere pakati pavana vaIsiraeri.' "

  Numbers (35/36)