Numbers (33/36)  

1. Ndidzo nzendo dzavana vaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.
2. Mozisi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo.
3. Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana vaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaIjipiti vose,
4. vaIjipiti vachiviga matangwe avo ose, akanga aurawa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo.
5. VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti.
6. Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje.
7. Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi-hahiroti, pamberi peBhaari-sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori.
8. Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje, vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara.
9. Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo.
10. Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku.
11. Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini.
12. Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika.
13. Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi.
14. Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokunwa yavanhu.
15. Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai.
16. Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti-hatava.
17. Vakasimuka paKibhuroti hatava, vakandodzika paHazeroti.
18. Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima.
19. Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni-perezi.
20. Vakasimuka paRimon-iperezi, vakandodzika paRibhina.
21. Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa.
22. Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata.
23. Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi.
24. Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha.
25. Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti.
26. Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati.
27. Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera.
28. Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika.
29. Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona.
30. Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti.
31. Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene-jakani.
32. Vakasimuka paBhene-jakani, vakandodzika paHorihagidhigadhi.
33. Vakasimuka paHori-hagidhigadhi, vakandodzika paJotibhata.
34. Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona.
35. Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEZiyoni-gebheri.
36. Vakasimuka paEZiyoni-gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi).
37. Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu.
38. Aroni mupirisiti akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana vaIsiraeri paIjipiti, nomwedzi wechishanu,nezuva rokutanga romwedzi.
39. Aroni wakanga ana makore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori.
40. Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya.
41. Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona.
42. Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni.
43. Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti.
44. Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye-abharimi, pamuganhu weMoabhu.
45. Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni-gadhi.
46. Vakasimuka paDhibhoni-gadhi, vakandodzika paArimoni-dhibhurataimi.
47. Vakasimuka paArimoni-dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho.
48. Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko.
49. Vakadzika matende avo paJorodhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu.
50. Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati,
51. "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana mayambuka Jorodhani, mukasvika munyika yeKenani,
52. munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu,nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira.
53. Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu.
54. Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu.
55. Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere.
56. Ipapo ndichakuitirai imwi sezvandakafunga kuvaitira ivo.' "

  Numbers (33/36)