Numbers (32/36)  

1. Vana vaRubheni navana vaGadhi vakanga vane zvipfuwo zvizhinji kwazvo; zvino vakati vachitarira nyika yeJazeri nenyika yeGiriyadhi, vakaona kuti inzvimbo yakafanira zvipfuwo.
2. Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakauya vakataurirana naMozisi naEreazari mupirisiti namachinda eungano, vakati,
3. "Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreari neSebhami neNebho neBheoni.
4. Nyika dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsiraeri, inyika yakafanira zvipfuwo; zvino isu varanda venyu, tine zvipfuwo."
5. Vakati, "Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ngaipiwe varanda venyu, ive yavo; musatiyambutsa henyu Jorodhani."
6. Mozisi akati kuvana vaGadhi navana vaRubheni, "Ko hama dzenyu dzingaenda kundorwa, imwi mukagara pano here?
7. Munoodzereiko moyo yavana vaIsiraeri varege kuenda kunyika yavakapiwa naJehovha?
8. Ndizvo zvakaita madzibaba enyu nguva yandakavatuma vari paKadheshi-bharinea, kundoshora nyika.
9. Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza moyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
10. Jehovha akatsamwa nomusi iwoyo, akapika, akati,
11. Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomoyo wose;
12. asi Karebhu, mwanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nokuti ivo vakatevera Jehovha nomoyo wose.'
13. Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.
14. Zvino tarirai, imwi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.
15. Nokuti kana mukatsauka pakumutevera, uchavasiyazve murenje; imwi muchaparadza vanhu ava vose."
16. Vakaswedera kwaari, vakati, "Tichavakira zvipfuwo zvedu matanga navana vedu vaduku maguta pano;
17. asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.
18. Hatingadzokeri kudzimba dzedu kudzimana vana vaIsiraeri vose vapiwa nhaka yavo.
19. Nokuti hatingagari nhaka pamwechete navo mhiri kwaJorodhani nemberi; nokuti isu tagoverwa nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani kurutivi rwamabvazuva."
20. Zvino Mozisi akati kwavari, "Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashonga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehovha kundorwa,
21. mumwe nomumwe wenyu wakashonga akayambuka Jorodhani pamberi paJehovha, kudzimana iye adzinga vavengi vake pamberi pake,
22. nyika ikakundwa pamberi paJehovha, ipapo mungadzoka henyu, hamungavi nemhosva kuna Jehovha nokuvaIsiraeri; nyika ino igova nhaka yenyu pamberi paJehovha.
23. Asi kana mukasaita saizvozvo, tarirai matadzira Jehovha, muzive kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai.
24. Vakirai henyu vana venyu maguta namakwai enyu matanga; itai sezvamakataura."
25. Vana vaGadhi navana vaRubheni vakataura naMozisi, vakati, "Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wedu.
26. Vana vedu, navakadzi vedu, nezvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose, zvichagara mumaguta eGiriyadhi;
27. asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu."
28. Naizvozvo Mozisi akaraira pamusoro pavo Ereazari mupirisiti, naJoshua, mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri;
29. Mozisi akati kwavari, "Kana vana vaGadhi navana vaRubheni vakayambuka nemi, murume mumwe nomumwe wakazvigadzira kundorwa pamberi paJehovha, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuvapa nyika yeGiriyadhi, ive yavo.
30. Asi kana vasingayambuki nemi, vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pakati penyu panyika yeKenani."
31. Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakapindura, vakati, "Sezvakareva Jehovha kuvaranda venyu, ndizvo zvatichaita.
32. Tichayambukira pamberi paJehovha kunyika yeKenani, takashonga nhumbi dzedu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani."
33. Zvino Mozisi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
34. Vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri,
35. neAtirotishofani, neJazeri, neJogibheha,
36. neBheti-nimura, neBheti-harani, ari maguta akakombwa namasvingo, ana matanga amakwai.
37. Vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreari, neKiriataimi,
38. neNebho, neBhaari-meoni (vashandura mazita awo), neSibhima; vakatumidza maguta avakavaka mamwe mazita.
39. Vana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaenda Giriyadhi, vakarikunda, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
40. Mozisi akapa Makiri, mwanakomana waManase, Giriyadhi, iye akagaramo.
41. Jairi, mwanakomana waManase, akakunda misha yaro, akaitumidza Misha yaJairi.
42. Nobha akandokunda Kenati, nemisha yaro yakanga yakabatwa naro, akaritumidza Nobha, nezita rake.

  Numbers (32/36)