| ← Numbers (30/36) → |
| 1. | Zvino Mozisi akataura navakuru vamarudzi avana vaIsiraeri, akati, "Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha: |
| 2. | Kana munhu achinge apikira Jehovha mhiko, kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; anofanira kuita zvose zvakabuda mumuromo make. |
| 3. | Nomukadziwo, kana achinge apikira Jehovha, kana kuzvisunga nokusunga kwokupika, achiri mumba mababa vake, achiri musikana; |
| 4. | baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kwose kuchava nesimba, nokusunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba. |
| 5. | Asi kana baba vake vakamudzivisa nomusi wavanozvinzwa nawo, kupika kwake kwose, nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, hakungavi nesimba; Jehovha achamukanganwira, nokuti baba vake vamudzivisa. |
| 6. | Kana akawanikwa nomurume achakasungwa nokupika kwake, kana namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; |
| 7. | murume wake akazvinzwa, akamunyararira hake nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwake, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba. |
| 8. | Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukanganwira. |
| 9. | Asi kupika kwechirikadzi, kana kwomukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari. |
| 10. | Kana achinge apika ari mumba momurume wake, kana kuzvisunga nokupika, |
| 11. | murume wake akazvinzwa, akamunyararira, asingamudzivisi, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba. |
| 12. | Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukanganwira. |
| 13. | Mhiko dzose, nokupika kwose kwaanozvisunga nako kuchema pamweya wake, murume wake angazvikonesa. |
| 14. | Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nokuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo. |
| 15. | Asi kana akazozvikonesa kwazvo, azvinzwa hake, iye anofanira kuva nemhosva yake." |
| 16. | Ndiyo mitemo yakarairwa Mozisi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake. |
| ← Numbers (30/36) → |