Numbers (30/36)  

1. Zvino Mozisi akataura navakuru vamarudzi avana vaIsiraeri, akati, "Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha:
2. Kana munhu achinge apikira Jehovha mhiko, kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; anofanira kuita zvose zvakabuda mumuromo make.
3. Nomukadziwo, kana achinge apikira Jehovha, kana kuzvisunga nokusunga kwokupika, achiri mumba mababa vake, achiri musikana;
4. baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kwose kuchava nesimba, nokusunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
5. Asi kana baba vake vakamudzivisa nomusi wavanozvinzwa nawo, kupika kwake kwose, nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, hakungavi nesimba; Jehovha achamukanganwira, nokuti baba vake vamudzivisa.
6. Kana akawanikwa nomurume achakasungwa nokupika kwake, kana namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo;
7. murume wake akazvinzwa, akamunyararira hake nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwake, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
8. Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukanganwira.
9. Asi kupika kwechirikadzi, kana kwomukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.
10. Kana achinge apika ari mumba momurume wake, kana kuzvisunga nokupika,
11. murume wake akazvinzwa, akamunyararira, asingamudzivisi, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
12. Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukanganwira.
13. Mhiko dzose, nokupika kwose kwaanozvisunga nako kuchema pamweya wake, murume wake angazvikonesa.
14. Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nokuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.
15. Asi kana akazozvikonesa kwazvo, azvinzwa hake, iye anofanira kuva nemhosva yake."
16. Ndiyo mitemo yakarairwa Mozisi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.

  Numbers (30/36)