| ← Numbers (28/36) → | 
| 1. | Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati, | 
| 2. | "Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, `Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kwandiri.' | 
| 3. | Unofanira kuti kwavari, `Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose. | 
| 4. | Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; | 
| 5. | nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa. | 
| 6. | Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.' | 
| 7. | Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinobata. | 
| 8. | Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvipiriso zveSabata nezvokuvamba kwomwedzi | 
| 9. | "Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa. | 
| 10. | Ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa. | 
| 11. | "Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondohwe rimwe, namakwayana manomwe amakondohwe egore rimwe, asina kuremara; | 
| 12. | nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondohwe rimwe nerimwe; | 
| 13. | nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha. | 
| 14. | Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose. | 
| 15. | Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa. | 
| 16. | "Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha. | 
| 17. | Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe. | 
| 18. | Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musabata mabasa avaranda pazuva iro; | 
| 19. | asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri; | 
| 20. | nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe. | 
| 21. | Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe; | 
| 22. | nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho. | 
| 23. | Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose. | 
| 24. | Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa. | 
| 25. | Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro. | 
| 26. | "Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda. | 
| 27. | Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe egore rimwe; | 
| 28. | nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe, | 
| 29. | nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe; | 
| 30. | nenhongo imwe yembudzi, zvokuyananisira nazvo. | 
| 31. | Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu. | 
| ← Numbers (28/36) → |