| ← Numbers (27/36) → |
| 1. | Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomma waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mozisi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza; |
| 2. | vakamira pamberi paMozisi napamberi paEreazari mupirisiti, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati, |
| 3. | "Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana. |
| 4. | Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu." |
| 5. | Mozisi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha. |
| 6. | Jehovha akataura naMozisi, akati, |
| 7. | "Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo. |
| 8. | Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, `Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake. |
| 9. | Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanun’una vake nhaka yake. |
| 10. | Kana asina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa vakuru kana vanun’una vababa vake nhaka yake. |
| 11. | "Kana baba vake vasina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.' Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri," sezvakarairwa Mozisi naJehovha. |
| 12. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri. |
| 13. | Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni; |
| 14. | nokuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura." (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.) |
| 15. | Zvino Mozisi akataura naJehovha, akati, |
| 16. | "Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi, |
| 17. | achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi." |
| 18. | Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake. |
| 19. | Umuise pamberi paEreazari mupirisiti, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo. |
| 20. | Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana valsiraeri imuteerere. |
| 21. | Iye anofanira kumira pamberi pomupirisiti Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose." |
| 22. | Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupirisiti Ereazari, napamberi peungano yose; |
| 23. | akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMozisi. |
| ← Numbers (27/36) → |