Numbers (27/36)  

1. Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomma waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mozisi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza;
2. vakamira pamberi paMozisi napamberi paEreazari mupirisiti, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati,
3. "Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana.
4. Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu."
5. Mozisi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha.
6. Jehovha akataura naMozisi, akati,
7. "Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo.
8. Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, `Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.
9. Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanun’una vake nhaka yake.
10. Kana asina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa vakuru kana vanun’una vababa vake nhaka yake.
11. "Kana baba vake vasina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.' Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri," sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
12. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri.
13. Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni;
14. nokuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura." (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.)
15. Zvino Mozisi akataura naJehovha, akati,
16. "Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi,
17. achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi."
18. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake.
19. Umuise pamberi paEreazari mupirisiti, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo.
20. Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana valsiraeri imuteerere.
21. Iye anofanira kumira pamberi pomupirisiti Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose."
22. Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupirisiti Ereazari, napamberi peungano yose;
23. akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMozisi.

  Numbers (27/36)