| ← Numbers (26/36) → |
| 1. | Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMozisi naEreazari, mwanakomana womupirisiti Aroni, akati, |
| 2. | "Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vanamakore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri." |
| 3. | Mozisi naEreazari mupirisiti vakataura navo pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko, vakati, |
| 4. | "Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mozisi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeIjipiti. " |
| 5. | Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri, vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu. |
| 6. | NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi. |
| 7. | Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu. |
| 8. | Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu; |
| 9. | navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadanwa kumakurukota, vakarwa naMozisi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha, |
| 10. | nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo. |
| 11. | Asi vanakomana vaKora havana kufa. |
| 12. | Ava ndivo vanakomana vaSimiyoni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini; |
| 13. | naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri. |
| 14. | Ndidzo mhuri dzavaSimiyoni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri. |
| 15. | Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni; |
| 16. | naZini, kwakabva mhuri yava Zini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri; |
| 17. | naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi naAreri kwakabva mhuru yavaAreri. |
| 18. | Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu. |
| 19. | Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani. |
| 20. | Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera. |
| 21. | Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. |
| 22. | Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu. |
| 23. | Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva; |
| 24. | naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi, naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi. |
| 25. | Ndidzo mhuri dzalsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu. |
| 26. | Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. |
| 27. | Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu. |
| 28. | Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu. |
| 29. | Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Giriyadhi; kunaGiriyadhi kwakabva mhuri yavaGiriyadhi. |
| 30. | Ndivo vanakomana vaGiriyadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki; |
| 31. | naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu; |
| 32. | naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi. |
| 33. | Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza. |
| 34. | Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe. |
| 35. | Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri, naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani. |
| 36. | Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani. |
| 37. | Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo. |
| 38. | Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami; |
| 39. | naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami. |
| 40. | Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani. |
| 41. | Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu. |
| 42. | Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo. |
| 43. | Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana. |
| 44. | Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria. |
| 45. | Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri. |
| 46. | Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera. |
| 47. | Ndidzo. mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana. |
| 48. | Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni; |
| 49. | naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. |
| 50. | Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana. |
| 51. | Ndivo vakaverengwa kuvana vaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu. |
| 52. | Jehovha akataura naMozisi, akati, |
| 53. | "Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo. |
| 54. | Vazhinji unofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa. |
| 55. | Kunyange zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwa nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo. |
| 56. | Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma." |
| 57. | Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;. Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari. |
| 58. | Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu. |
| 59. | Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMozisi, naMiriami, hanzvadzi yavo. |
| 60. | Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari. |
| 61. | Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha. |
| 62. | Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakanga ano mwedzi mumwe navanopfuura; nokuti havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavana vaIsiraeri. |
| 63. | Ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari mupirisiti, vakaverenga vana vaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko. |
| 64. | Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMozisi naAroni, vakanga vaverenga vana vaIsiraeri murenje reSinai. |
| 65. | Nokuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, "Zvirokwazvo vachafira murenje." Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni. |
| ← Numbers (26/36) → |