Numbers (22/36)  

1. Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko.
2. Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri.
3. Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nokuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri.
4. Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, "Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango"; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva
5. iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, "Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti, tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni.
6. Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo."
7. Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuvuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki.
8. Iye akati kwavari, "Vatai usiku huno pano, ndikudzoserei neshoko, sezvandichaudzwa naJehovha;" machinda aMoabhu akagarapo kuna Bharamu.
9. Zvino Mwari akauya kuna Bharamu, akati, "Vanhu ava vari kwauri ndivananiko?"
10. Bharamu akati kuna Mwari, "Bharaki, mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akatuma shoko kwandiri, achiti,
11. `Tarira, vanhu vakabva Ijipiti vakafukidza nyika yose; zvino uya unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nokuvadzinga.' "
12. Ipapo Mwari akati kuna Bharamu, "Haufaniri kuenda navo; haufaniri kutuka vanhu avo; nokuti vakaropafadzwa."
13. Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, "Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi."
14. Ipapo machinda aMoabhu vakasimuka, vakaenda kuna Bharaki, vakati, "Bharamu aramba kuuya nesu."
15. Zvino Bharaki akapamhazve kutuma machinda mazhinji kuna ivo navakakudzwa kupfuura ivo.
16. Vakasvika kuna Bharamu, vakati kwaari, "Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, `Usatendera chinhu kukudzivisa kuuya kwandiri;
17. nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, zvose zvaunondiraira ndichazviita; naizvozvo douya hako unditukire vanhu ava.' "
18. Bharamu akapindura, akati kuvaranda vaBharaki, "Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri.
19. Naizvozvo zvino nemiwo dovatai henyu pano usiku huno, kuti ndizive zvandichaudzwazve naJehovha."
20. Zvino Mwari akauya kuna Bharamu usiku, akati kwaari, "Vanhu ava kana vakauya kuzokudana simuka uende navo; asi shoko randichataura kwauri, unofanira kuita iro roga."
21. Zvino Bharami akamuka mangwanani akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda aMoabhi
22. Asi Mwari akamutsamwira zvaakaenda mutumwa waJehovha akandomira munzira yake kuti arwe naye. Zvino iye akanga akatasva mbongoro yake, navaranda vake vaviri vakanga vanaye.
23. Ipapo mbongoro ikaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusango; Bharamu akarova mbongoro kuti aidzorere kunzira.
24. Zvino mutumwa waJehovha akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiringa, rusvingo ruri kurutivi runo, norusvingo kuno rumwe rutivizve.
25. Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikazvisundira kurusvingo; ikambandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; ipapo akairovazve.
26. Mutumwa waJehovha akapfuura mberi, akandomira pakanga pakamanikana, pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
27. Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake.
28. Zvino Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, "Ndakakuitireiko, zvamandirova zvino katatu?"
29. Bharamu akati kumbongoro, "Nokuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo."
30. Mbongoro ikati kuna Bharamu, "Ko ini handizi mbongoro yenyu yamakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here?" Iye akati, "Kwete."
31. Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.
32. Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Warovereiko mbongoro yako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nokuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu.
33. Mbongoro yakandiona, ikatsauka pamberi pangu katatu; dai isina kutsauka pamberi pangu, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya iwe, ndikairaramisa iyo."
34. Ipapo Bharamu akati kumutumwa waJehovha, "Ndatadza, nokuti ndakanga ndisingazivi kuti ndiwe wakanga umire munzira uchindidzivisa; naizvozvo zvino, kana usingafari nazvo, ndichadzoka hangu."
35. Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, "Enda hako navarume ava, asi shoko roga randicha‑ taura kwauri, ndiro raunofanira kutaura." Naizvozvo Bharamu akaenda namachinda aBharaki.
36. Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri-Moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika.
37. Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, "Ko handina kutuma nhume kwauri nomoyo wose, ndichikudana here? Wakaregereiko kuuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here?"
38. Bharamu akati kuna Bharaki, "Tarira, ndauya kwauri; ko ini ndine simba rokutaura chinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo mangu naMwari, ndiro randichataura."
39. Zvino Bharamu akaenda naBharaki, akasvika paKiriati-huzoti.
40. Bharaki akabaya nzombe namakwai, akazvitumira kuna Bharamu namachinda akanga anaye.
41. Zvino mangwanani Bharaki akatora Bharamu, akamukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, akaona, aripo, vanhu vokumudzivo.

  Numbers (22/36)