Numbers (21/36)  

1. Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.
2. Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, "Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose."
3. Jehovha akateerera inzwi ravaIsiraeri, akavapa vaKenani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Homa.
4. Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera moyo kwazvo panzira.
5. Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMozisi, vakati, "Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa."
6. Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji valsiraeri vakafa.
7. Zvino vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati, "Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri." Mozisi akakumbirira vanhu.
8. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama."
9. Mozisi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama.
10. Vana valsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo paObhoti.
11. Vakabva Obhoti, vakandodzika matende avo paIje-aBharimi, murenje riri pamberi paMoabhu, kumabvazuva.
12. Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo pamupata weZeredhi.
13. Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo kumhiri kwaArinoni, rwizi rwaiva murenje, rwaibva kunyika yavaAmori; nokuti Arinoni ndiwo muganhu wavaMoabhu, pakati paMoabhu navaAmori.
14. Naizvozvo pabhuku yeHondo dzaJehovha panoti: VaHebhi paSufa,Nemipata yaArinoni,
15. Nemikwidza yemipata inorerekera kunzvimbo yeAri, Inosendamira pamuganhu waMoabhu.
16. Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi, "Unganidza vanhu, ndichavapa mvura."
17. Zvino vaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu: Chivhaira, iwe tsime; imwi muriimbire;
18. Ndiro tsime rakacherwa namachinda, Rakacherwa navakuru vavanhu Netsvimbo youshe, uye netsvimbo dzavo.Vakabva murenje, vakaenda Matana;
19. vakabva Matana, vakaenda Naharieri; vakabva Naharieri, vakaenda Bhamoti;
20. vakabva Bhamoti, vakaenda kumupata uri kubani raMoabhu, kusvikira kumusoro wegomo rePisiga, rinotarira pasi kurenje.
21. Zvino vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti,
22. "Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako."
23. Asi Sihoni akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kurenje kundorwa navaIsiraeri, akasvika paJahazi; akarwa navaIsiraeri.
24. Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.
25. Naizvozvo vaIsiraeri vakakunda maguta iwayo ose; vaIsiraeri vakagara mumaguta ose avaAmori, muHeshibhoni napamisha yaro yose.
26. Nokuti Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni, mambo wavaAmori, iye akanga arwa namambo wokutanga waMoabhu, akamutorera nyika yake yose kusvikira paArinoni.
27. Naizvozvo vanotaura neshumo vanoti, "Uyai muHeshibhoni,Guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe;
28. Nokuti moto wakabuda Nomurazvo paguta raSihoni, Ukaparadza Ari waMoabhu, Madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.
29. Une nhamo iwe Moabhu! Mapera imwi vanhu veKemoshi; Wakapa Sihoni vanakomana vake vatize,Navanasikana vake vatapwe, Sihoni, mambo wavaAmori.
30. Takavapfura; Heshibhoni rakaparadzwa kusvikira paDhibhoni,Takaparadza kusvikira paNofa, Moto ukasvika paMedhebha."
31. Naizvozvo valsiraeri vakagara munyika yavaAmori.
32. Zvino Mozisi akatuma vanhu kundoshora Jazeri, vakakunda misha yaro, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
33. Ipapo vakadzoka, vakakwira nenzira inoenda Bhashani; zvino Ogi, mambo weBhashani, akauya kuzorwa navo paEdhirei, iye navanhu vake vose.
34. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaoko ako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni."
35. Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.

  Numbers (21/36)