Numbers (20/36)  

1. Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo.
2. Ipapo pakanga pasina mvura yokunwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mozisi naAroni.
3. Vanhu vakarwa naMozisi, vakataura, vachiti, "Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!
4. Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu?
5. Makatibudisireiko muIjipiti, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana."
6. Ipapo Mozisi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.
7. Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
8. "Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo."
9. Ipapo Mozisi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye.
10. Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, "Zvino, chinzwai, imwi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?"
11. Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji-zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.
12. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, "Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana valsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa."
13. Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.
14. Zvino Mozisi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, "Zvanzi nomunun’una wako Isiraeri, `Unoziva nhamo dzose dzakatiwira,
15. kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu;
16. zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa manzwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti, zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako;
17. dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.' "
18. Ipapo Edhomu akati kwaari, "Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo."
19. Vana vaIsiraeri vakati kwaari, "Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko."
20. Iye akati, "Haungapfuuri." Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba.
21. Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari.
22. Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori.
23. Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati,
24. "Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana valsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha.
25. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori;
26. zvino ubvise nguvo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo."
27. Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose.
28. Zvino Mozisi wakabvisa nguvo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro pegomo; Mozisi naEreazari vakaburuka havo pagomo.
29. Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.

  Numbers (20/36)