Numbers (2/36)  

1. Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
2. "Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamureza wowokwake, nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba avo; vanofanira kudzika matende avo vakatarisana netende rokusangana vakarikomba.
3. Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.
4. Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.
5. Vanodzika kurutivi rwavo vanofanira kuva vorudzi rwaIsakari; Netaneri, mwanakomana waZuari ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaIsakari.
6. Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvina, namazana mana.
7. Novorudzi rwaZebhuruni; Eriabhu, mwanakomana waHeroni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaZebhuruni.
8. Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
9. "Vose vakaverengwa vemisasa yaJudha vakanga vane zviuru zvine zana nezviuru zvina makumi masere nezvitanhatu namazana mana, namapoka avo. Ndivo vanofanira kutanga kusimuka.
10. "Kurutivi rwezasi ndiko kunofanira kuva nomureza wemisasa yaRubheni, namapoka avo; Erizuri, mwanakomana waShedheuri, ndiye unofanira kuva muchinda wavana vaRubheni.
11. Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.
12. Rudzi rwaSimiyoni ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwake; Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaSimiyoni.
13. Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.
14. worudzi rwaGadhi Eriasafi mwanakomana waReueri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaGadhi.
15. Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvinamakumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
16. Vose vakaverengwa pamisasa yaRubheni vakasvika zviuru zvine zana rimwe namakumi mashanu nechiuru chimwe namazana mana namakumi mashanu, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechipiri.
17. "Zvino tende rokusangana rinofanira kusimuka pamwechete nemisasa yavaRevhi pakati pemisasa yose; nomutoo wavanodzika matende avo, vanofanira kusimuka saizvozvo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pamureza wake.
18. "Kurutivi rwamavirazuva kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfuremu, namapoka avo; Erishama, mwanakomana waAmihudhi, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaEfuremu.
19. Boka rake, navakaverengwa kwaari, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
20. Rudzi rwaManase vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaManase.
21. Boka rake, navakaverengwa" kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.
22. Norudzi rwaBhenjamini: Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaBhenjamini.
23. Boka rake, navose vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.
24. Vose vakaverengwa pamisasa yaEfuremu vakasvika zviuru zvine zana nezvisere nezana rimwe, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechitatu.
25. "Kurutivi rwokumusoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDhani, namapoka avo; Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaDhani.
26. Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezviviri namazana manomwe.
27. Rudzi rwaAsheri ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Pagieri, mwanakomana waOkirani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaAsheri.
28. Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechimwe namazana mashanu.
29. Norudzi rwaNafutari; Ahira, mwanakomana waEnani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaNafutari.
30. Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.
31. Vose vakaverengwa pamisasa yaDhani vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvinomwe namazana matanhatu. Ndivo vanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yavo."
32. Ndivo vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo; vose vakaverengwa pamisasa yavo, namapoka avo, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
33. Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
34. Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.

  Numbers (2/36)