| ← Numbers (19/36) → |
| 1. | Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati, |
| 2. | "Ndiwo murayiro wakarairwa naJehovha, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko. |
| 3. | Zvino munofanira kuripa Ereazari mupirisiti, iye aribudise kunze kwemisasa, rigourawa pamberi pake. |
| 4. | Ipapo Ereazari mupirisiti anofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kurutivi rwemberi rwetende rokusangana; |
| 5. | zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; dehwe raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazvizvi aro, zvinofanira kupiswa. |
| 6. | Zvino mupirisiti anofanira kutora rutanda rwomusidhari nehisopi, nomucheka mutsvuku, ndokuzvikandira pakati pomoto unopisa tsiru. |
| 7. | Ipapo mupirisiti anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura ndokuzopinda mumisasa mupirisiti agova asina kunaka kusvikira madeko. |
| 8. | Nomunhu anoripisa anofanira kusuka nguvo dzake nemvura, nokushambidza muviri wake nemvura, agova asina kunaka kusvikira madeko. |
| 9. | Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi. |
| 10. | Zvino iye akaunganidza madota etsiru, anofanira kusuka nguvo dzake, agova asina kunaka kusvikira madeko; unofanira kuva mutemo usingaperi kuvana vaIsiraeri nokuvatorwa vagere pakati pavo. |
| 11. | Munhu anobata chitunha chomunhu upi noupi, anofanira kuva asina kunaka mazuva manomwe. |
| 12. | Iye anofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, agova akanaka nezuva rechinomwe; asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe. |
| 13. | Ani naani anobata akafa, chiri chitunha chomunhu upi noupi akafa, akasazvinatsa, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavaIsiraeri; mvura inonatsa zvaisina kusaswa pamusoro pake, anofanira kuva asina kunaka; tsvina yake ichiri kwaari. |
| 14. | Ndiwo murayiro kana munhu akafa mutende: Mumwe nomumwe anopinda mutende, nomumwe nomumwe ari mutende, achava asina kunaka mazuva manomwe. |
| 15. | Nemidziyo yose yakashama, isina chifunhiro chakasungirwa, ichava isina kunaka. |
| 16. | Ani naani anobata munhu akaurawa kusango nomunondo, kana chitunha, kana pfupa romunhu, kana hwiro, achava asina kunaka mazuva manomwe. |
| 17. | Zvino munhu asina kunaka anofanira kundotorerwa madota echipiriso chezvivi chakapiswa, mvura inoyerera igodirwa pamusoro pawo mumudziyo, |
| 18. | zvino munhu akanaka anofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende, napanhumbi dzose, napavanhu vose vaivapo, napamunhu akabata pfupa, kana akanga aurawa, kana akafa, kana hwiro; |
| 19. | zvino munhu akanaka anofanira kusasa munhu usina kunaka nezuva retatu nerechinomwe; nezuva rechinomwe anofanira kumunatsa; zvino iye anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, agova akanaka madeko. |
| 20. | Asi kana, munhu akasvibiswa akasazvinatsa, munhu uyo anofanira kubviswa pakati peungano, nokuti asvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura inonatsa haina kusaswa pamusoro pake; haana kunaka. |
| 21. | Unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari. Munhu anosasa mvura inonatsa, anofanira kusuka nguvo dzake; naiye anobata mvura inonatsa, achava asina kunaka kusvikira madeko. |
| 22. | Nezvose zvinobatwa nomunhu usina kunaka,zvichava zvisina kunaka nomunhu unozvibata uchava usina kunaka kusvika madeko. |
| ← Numbers (19/36) → |