| ← Numbers (16/36) → | 
| 1. | Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume, | 
| 2. | vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira; | 
| 3. | vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,"Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?" | 
| 4. | Mozisi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake; | 
| 5. | akataura naKora neboka rake rose, akati, "Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivanani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waachazoswededza kwaari. | 
| 6. | Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuwira, iwe Kora, neveboka rako rose; | 
| 7. | mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi." | 
| 8. | Mozisi akatiwo kuna Kora, "Teererai, imwi vanakomana vaRevhi: | 
| 9. | Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira, | 
| 10. | akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upirisitiwo here? | 
| 11. | Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?" | 
| 12. | Ipapo Mozisi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, "Hatidi kukwirako. | 
| 13. | Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here? | 
| 14. | Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako." | 
| 15. | Ipapo Mozisi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, "Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera mbongoro imwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa." | 
| 16. | Ipapo Mozisi akati kuna Kora, "Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni; | 
| 17. | mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuwira, muise zvinonhuwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake." | 
| 18. | Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMozisi naAroni. | 
| 19. | Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose. | 
| 20. | Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati, | 
| 21. | "Zvitsaurei imwi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo." | 
| 22. | Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, "Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?" | 
| 23. | Ipapo Jehovha akataura naMozisi, akati, | 
| 24. | "Taura neungano, uti, `Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.' " | 
| 25. | Ipapo Mozisi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera. | 
| 26. | Akataura neungano, akati, "Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose." | 
| 27. | Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku. | 
| 28. | Zvino Mozisi akati, "Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nokuti handina kuaita nokuda kwangu. | 
| 29. | Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma. | 
| 30. | Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha." | 
| 31. | Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka, | 
| 32. | nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose. | 
| 33. | Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano. | 
| 34. | Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, "Nyika irege kutimedzawo." | 
| 35. | Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira. | 
| 36. | Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati, | 
| 37. | "Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, kuti anonge hadyana dzezvinonhuwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nokuti hadyana itsvene; | 
| 38. | idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri." | 
| 39. | Zvino mupirisiti Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti aritari ifukidzwe nadzo; | 
| 40. | kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi. | 
| 41. | Fume mangwana ungano yose yavana valsiraeri yakapopotera Mozisi naAroni, vachiti, "imwi makauraya vanhu vaJehovha." | 
| 42. | Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa. | 
| 43. | Ipapo Mozisi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana, | 
| 44. | Jehovha akataura naMozisi, akati, | 
| 45. | "Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo." Ivo vakawira pasi nezviso zvavo. | 
| 46. | Mozisi akati kuna Aroni, "Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga." | 
| 47. | Aroni akaitora, sezvakataura Mozisi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuwira pamusoro payo, akayananisira vanhu. | 
| 48. | Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma. | 
| 49. | Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi. | 
| 50. | Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma. | 
| ← Numbers (16/36) → |