Numbers (16/36)  

1. Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume,
2. vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;
3. vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,"Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?"
4. Mozisi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake;
5. akataura naKora neboka rake rose, akati, "Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivanani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waachazoswededza kwaari.
6. Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuwira, iwe Kora, neveboka rako rose;
7. mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi."
8. Mozisi akatiwo kuna Kora, "Teererai, imwi vanakomana vaRevhi:
9. Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira,
10. akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upirisitiwo here?
11. Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?"
12. Ipapo Mozisi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, "Hatidi kukwirako.
13. Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here?
14. Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako."
15. Ipapo Mozisi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, "Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera mbongoro imwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa."
16. Ipapo Mozisi akati kuna Kora, "Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni;
17. mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuwira, muise zvinonhuwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake."
18. Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMozisi naAroni.
19. Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose.
20. Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
21. "Zvitsaurei imwi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo."
22. Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, "Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?"
23. Ipapo Jehovha akataura naMozisi, akati,
24. "Taura neungano, uti, `Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.' "
25. Ipapo Mozisi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera.
26. Akataura neungano, akati, "Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose."
27. Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku.
28. Zvino Mozisi akati, "Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nokuti handina kuaita nokuda kwangu.
29. Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma.
30. Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha."
31. Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka,
32. nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.
33. Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.
34. Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, "Nyika irege kutimedzawo."
35. Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira.
36. Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
37. "Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, kuti anonge hadyana dzezvinonhuwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nokuti hadyana itsvene;
38. idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri."
39. Zvino mupirisiti Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti aritari ifukidzwe nadzo;
40. kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi.
41. Fume mangwana ungano yose yavana valsiraeri yakapopotera Mozisi naAroni, vachiti, "imwi makauraya vanhu vaJehovha."
42. Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
43. Ipapo Mozisi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana,
44. Jehovha akataura naMozisi, akati,
45. "Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo." Ivo vakawira pasi nezviso zvavo.
46. Mozisi akati kuna Aroni, "Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga."
47. Aroni akaitora, sezvakataura Mozisi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuwira pamusoro payo, akayananisira vanhu.
48. Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma.
49. Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi.
50. Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.

  Numbers (16/36)