Numbers (13/36)  

1. Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2. "Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo."
3. Mozisi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri.
4. Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri.
5. Vokurudzi rwaSimiyoni, Shafati, mwanakomana waHori.
6. Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune.
7. Vokurudzi rwaIsakari, Igari, mwanakomana waJosefa.
8. Vokurudzi rwaEfuremu, Hoshea, mwanakomana waNuni.
9. Vokurudzi rwaBhenjamini, Paruti, mwanakomana waRafu.
10. Vokurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri, mwanakomana waSodhi.
11. Vokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.
12. Vokurudzi rwaDhani, Amieri, mwanakomana waGemari.
13. Vokurudzi rwaAsheri, Seturi, mwanakomana waMikaeri.
14. Vokurudzi rwaNafutari, Nabhi, mwanakomana waVhofusi.
15. Vokurudzi rwaGadhi, Geueri, mwanakomana waMaki.
16. Ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundoshora nyika. Mozisi akatumidza Hoshea, mwanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.
17. Mozisi akavatuma kundoshora nyika yeKenani, akati kwavari, "Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;
18. mundoona nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji;
19. nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare;
20. nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai moyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo." Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.
21. Naizvozvo vakakwira vakandoshora nyika, vachibva murenje reZini, kusvikira Rehobhu, pavanopinda Hamati.
22. Vakapinda neZasi, vakasvika Hebhuroni; ipapo pakanga pana Ahimani naSheshai naTarimai, vanakomana vaAnaki. (Pakuvakwa Hebhuroni rakatangira Zoani paIjipiti namakore manomwe.)
23. Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.
24. Nzvimbo iyo vakaitumidza mupata weEshikori nokuda kwesumbu rakatemwapo navana valsiraeri.
25. Mazuva ana makumi mana akati apera, vakadzoka pakushora nyika.
26. Vakasvika kuna Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.
27. Vakamuudza, vakati, "Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.
28. Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.
29. VaAmareki vagere munyika nechezasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJorodhani."
30. Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, "Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda."
31. Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, "Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba."
32. Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoishora, vachiti, "Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
33. Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo."

  Numbers (13/36)