| ← Numbers (13/36) → |
| 1. | Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati, |
| 2. | "Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo." |
| 3. | Mozisi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri. |
| 4. | Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri. |
| 5. | Vokurudzi rwaSimiyoni, Shafati, mwanakomana waHori. |
| 6. | Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune. |
| 7. | Vokurudzi rwaIsakari, Igari, mwanakomana waJosefa. |
| 8. | Vokurudzi rwaEfuremu, Hoshea, mwanakomana waNuni. |
| 9. | Vokurudzi rwaBhenjamini, Paruti, mwanakomana waRafu. |
| 10. | Vokurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri, mwanakomana waSodhi. |
| 11. | Vokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi. |
| 12. | Vokurudzi rwaDhani, Amieri, mwanakomana waGemari. |
| 13. | Vokurudzi rwaAsheri, Seturi, mwanakomana waMikaeri. |
| 14. | Vokurudzi rwaNafutari, Nabhi, mwanakomana waVhofusi. |
| 15. | Vokurudzi rwaGadhi, Geueri, mwanakomana waMaki. |
| 16. | Ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundoshora nyika. Mozisi akatumidza Hoshea, mwanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua. |
| 17. | Mozisi akavatuma kundoshora nyika yeKenani, akati kwavari, "Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo; |
| 18. | mundoona nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji; |
| 19. | nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare; |
| 20. | nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai moyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo." Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa. |
| 21. | Naizvozvo vakakwira vakandoshora nyika, vachibva murenje reZini, kusvikira Rehobhu, pavanopinda Hamati. |
| 22. | Vakapinda neZasi, vakasvika Hebhuroni; ipapo pakanga pana Ahimani naSheshai naTarimai, vanakomana vaAnaki. (Pakuvakwa Hebhuroni rakatangira Zoani paIjipiti namakore manomwe.) |
| 23. | Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde. |
| 24. | Nzvimbo iyo vakaitumidza mupata weEshikori nokuda kwesumbu rakatemwapo navana valsiraeri. |
| 25. | Mazuva ana makumi mana akati apera, vakadzoka pakushora nyika. |
| 26. | Vakasvika kuna Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo. |
| 27. | Vakamuudza, vakati, "Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo. |
| 28. | Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki. |
| 29. | VaAmareki vagere munyika nechezasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJorodhani." |
| 30. | Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, "Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda." |
| 31. | Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, "Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba." |
| 32. | Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoishora, vachiti, "Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo. |
| 33. | Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo." |
| ← Numbers (13/36) → |