Numbers (12/36)  

1. Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mozisi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, waakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
2. Vakati, "Ko Jehovha akataura naMozisi iye oga here? Ko haana kutaura nesuo here?" Jehovha akazvinzwa.
3. Zvino munhu uyu Mozisi akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.
4. Jehovha akataura pakarepo naMozisi naAroni naMiriami, akati, "Budai imwi vatatu kutende rokusangana." Ivo vatatu vakabuda.
5. Ipapo Jehovha akaburuka mushongwe yegore, akamira mumukova wetende rokusangana, akadana Aroni naMiriami; ivo vaviri vakabuda.
6. Zvino akati, "Teererai mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope.
7. Muranda wangu Mozisi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.
8. Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mozisi?"
9. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira, iye akabva.
10. Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzI
11. Zvino Aroni akati kuna Mozisi, "Haiwa, Ishe wangu, musaisa mhosva yezvivi pamusoro pedu,kunyange takaita hedu noupenzi, tikatadza.
12. Ngaarege kuva somwana wakaberekwa akafa, imwe nyama yake yakaora pakubuda kwake padumbu ramai vake."
13. Zvino Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, "Haiwa Mwari, domuporesai henyu."
14. Jehovha akati kuna Mozisi, "Dai baba vake vakanga vamupfira mate kuchiso chake, haazaifanira kunyara mazuva manomwe here? Ngaabudiswe kunze kwemisasa mazuva manomwe, agopinzwa pashure."
15. Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve.
16. Shure kwaizvozvo vanhu vakasimuka vakabva Hazeroti, vakandodzika matende avo murenje reParani.

  Numbers (12/36)