| ← Numbers (10/36) → |
| 1. | Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati. |
| 2. | "Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe. |
| 3. | Kana vachidziridza ungano yose inofanira kuungana kwauri pamukova wetende rokusangana. |
| 4. | Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezviuru zvavaIsiraeri vanofanira kuungana kwauri. |
| 5. | Kana muchiridzisa, mapoka okurutivi rwamabvazuva anofanira kusimuka, vafambe. |
| 6. | Kana muchiridzisa rwechipiri mapoka okurutivi rwezasi anofanira kusimuka, vafambe; vanofanira kuridzisa kana vofamba nzendo. |
| 7. | Asi kana ungano ichifanira kuunganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa. |
| 8. | Vanakomana vaAroni, vapirisiti, ndivo vanofanira kuridza hwamanda; ngazvive tsika kwamuri nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose. |
| 9. | Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu. |
| 10. | Uye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa napakutanga kwemwedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa, napamusoro pezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, kuti Jehovha akurangarirei nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu." |
| 11. | Zvino negore rechipiri, nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri romwedzi, gore rakasimudzwa pamusoro petabhenakeri yechipupuriro. |
| 12. | Ipapo vana vaIsiraeri vakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzavo; gore rikandomira murenje reParani. |
| 13. | Vakatanga kufamba sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi. |
| 14. | Pakutanga mureza weboka ravana vaJudha wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naNashoni, mwanakomana waAminadhabhu. |
| 15. | Boka rorudzi rwavana vaIsakari rakanga richirairwa naNetaneri, mwanakomana waZuari. |
| 16. | Boka rorudzi rwaZebhuruni rakanga richirairwa naEriabhu, mwanakomana waHeroni. |
| 17. | Zvino tabhenakeri yakabviswa, vanakomana vaGeshoni navanakomana vaMerari, vatakuri vetabhenakeri, vakasimuka. |
| 18. | Zvino mureza weboka raRubheni wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErizuri, mwanakomana waShedheuri. |
| 19. | Boka rorudzi rwavana vaSimiyoni rakanga richirairwa naSherumieri, mwanakomana waZurishadhai. |
| 20. | Boka rorudzi rwavana vaGadhi rakanga richirairwa naEriasafi, mwanakomana waDheueri. |
| 21. | Zvino vaKohati vakasimuka, vakatakura imba tsvene; vamwe vakamisa tabhenakeri ivo vachigere kusvika. |
| 22. | Zvino mureza weboka ravana vaEfuremu wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErishama, mwanakomana waAmihudhi. |
| 23. | Boka rorudzi rwavana vaManase rakanga richirairwa naGamarieri, mwanakomana waPedhazuri. |
| 24. | Boka rorudzi rwavana vaBhenjamini rakanga richirairwa naAbhidhani, mwanakomana waGidheoni. |
| 25. | Ipapo mureza weboka ravana vaDhani, ndivo vokupedzisira pamapoka ose, vakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai. |
| 26. | Boka rorudzi rwavana vaAsheri rakanga richirairwa naPagieri, mwanakomana waOkirani |
| 27. | boka rorudzi rwavana vaNafutari rakanga richirairwa naAhira,mwanakomana waEnani |
| 28. | Ndiko kufamba kwavana VaIsiraeri namapoka avo vakasimuka. |
| 29. | Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi, "Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri." |
| 30. | Iye akati kwaari, "Handingaendi, asi ndichaenda hangu kunyika yangu nokuhama dzangu." |
| 31. | Iye akati, "Ndinonyengetera kuti murege henyu kutisiya, zvamunoziva mudzikirwe wamatende edu murenje, muchava meso edu. |
| 32. | Kana mukaenda nesu, kana Jehovha akatiitira zvakanaka zvipi nezvipi, tichakuitirai izvozvowo." |
| 33. | Zvino vakasimuka pagomo raJehovha, vakafamba mazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikavatungamirira mazuva matatu, kuvatsvakira pokuzorora. |
| 34. | Gore raJehovha rikava pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamisasa. |
| 35. | Zvino areka yakati yasimuka, Mozisi akati, "Simukai Jehovha, vavengi venyu ngavaparadzwe; navanokuvengai ngavatize pamberi penyu." |
| 36. | Zvino pakuzorora kwayo, akati, "Dzokai Jehovha, kuzviuru zvine gumi nezviuru zvavaIsiraeri." |
| ← Numbers (10/36) → |