| Numbers (1/36) → |
| 1. | Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai, patende rokusangana, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri negore rechipiri rokubuda kwavo Ijipiti, akati, |
| 2. | "Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avarume vose, mumwe nomumwe. |
| 3. | Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa. |
| 4. | Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe, mukuru weimba yamadzibaba ake. |
| 5. | Ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsirai: WokwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri. |
| 6. | WokwaSimiyoni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai. |
| 7. | WokwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu. |
| 8. | WokwaIsakari, Netaneri, mwanakomana waZuari. |
| 9. | WokwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni. |
| 10. | Vokuvana vaJosefa: WokwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wokwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri. |
| 11. | WokwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidheoni. |
| 12. | WokwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai. |
| 13. | WokwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani. |
| 14. | WokwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri. |
| 15. | WokwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani." |
| 16. | Ndivo vakadanwa paungano, ari machinda amarudzi amadzibaba avo, vakuru vedzimba dzavaIsiraeri. |
| 17. | Zvino Mozisi naAroni vakatora varume ava varehwa mazita avo, |
| 18. | vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe. |
| 19. | Akavaverenga murenje reSinai, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 20. | Vokuvana vaRubheni, mwanakomana wedangwe waIsiraeri navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, mumwe nomumwe, varume vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 21. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaRubheni vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu. |
| 22. | Vokuvana vaSimiyoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 23. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaSimiyoni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu. |
| 24. | Vokuvana vaGadhi, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 25. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaGadhi, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu. |
| 26. | Vokuvana vaJudha, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 27. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaJudha, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu. |
| 28. | Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 29. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaIsakari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu namazana mana. |
| 30. | Vokuvana vaZebhuruni, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 31. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaZebhuruni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe namazana mashanu. |
| 32. | Vokuvana vaJosefa, ivo vana vaEfuremu, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri, vose vaigona kundorwa, |
| 33. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaEfuremu, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu. |
| 34. | Vokuvana vaManase, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 35. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaManase, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri. |
| 36. | Vokuvana vaBhenjamini, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 37. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaBhenjamini, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana. |
| 38. | Vokuvana vaDhani, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 39. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaDhani, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana manomwe. |
| 40. | Vokuvana vaAsheri, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 41. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaAsheri, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechiuru chimwe, namazana mashanu. |
| 42. | Vokuvana vaNafutari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa, |
| 43. | vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaNafutari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana. |
| 44. | Ndivo vakaverengwa, vakaverengwa naMozisi naAroni, namachinda avaIsiraeri, vaiva varume vane gumi navaviri, mumwe nomumwe panzvimbo yeimba yababa vake. |
| 45. | Naizvozvo vose vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa pakati pavaIsiraeri, |
| 46. | vose vakaverengwa vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu. |
| 47. | Asi vaRevhi, norudzi rwamadzibaba avo, havana kuverengwa pakati pavo. |
| 48. | Nokuti Jehovha akanga ataura naMozisi akati, |
| 49. | "Asi vorudzi rwaRevhi voga usavaverenga, usavaverengera pakati pavana vaIsiraeri, |
| 50. | asi vaRevhi uvagadze, vave varitariri vetabhenakeri yechipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, nezvose zvayo; ndivo vanofanira kutakura tabhenakeri, nenhumbi dzayo dzose, nekushumirapo, nokukomba tabhenakeri nemisasa yavo. |
| 51. | Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa. |
| 52. | Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamisasa yovokwake, mumwe nomumwe pamureza wovokwake, vachiita mapoka avo. |
| 53. | Asi vaRevhi vanofanira kudzika matende avo vachikomba tabhenakeri yechipupuriro, kuti rudzi rwavana vaIsiraeri rurege kutsamwirwa; vaRevhi vanofanira kubata mabasa etabhenakeri yechipupuriro." |
| 54. | Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita. |
| Numbers (1/36) → |