Nehemiah (9/13)  

1. Zvino pazuva ramakumi maviri namana romwedzi uyu vana vaIsiraeri vakaungana, vakazvinyima zvekudya, vakafuka masaga vane ivhu pamisoro yavo.
2. Vorudzi rwavaIsiraeri vakazviraura pavatorwa vose, vakamira vakazvireurura zvivi zvavo nezvitadzo zvamadzibaba avo.
3. Vakasimuka pavakanga vagere, vakarava mubhuku yomurayiro waJehovha Mwari wavo mugove wechina wezuva; mumwe mugove wechina vakazvireurura nokunamata kuna Jehovha Mwari wavo.
4. Ipapo Jeshua, naBhani, naKadhimieri, neShebhania, naBhuni, naSherebhia, naBhani, naKenani vakamira pamatanho avaRevhi, vakachema nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.
5. Ipapo vaRevhi, Jeshua, naKadhimieri, naBhani, naHashabhineya, naSherebhia, naHodhia, naShebhania, naPetahiya vakati, "Simukai, muvonge Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi-peri; zita renyu rinobwinya ngarikudzwe, iro rinokunda kuvonga nokurumbidza kwose."
6. "Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri.
7. Ndimi Jehovha Mwari akatsaura Abhuramu, mukamubudisa paUri ravaKaradhea, mukamupa zita rinonzi Abhurahamu;
8. mukaona kuti moyo wake wakatendeka pamberi penyu, mukaita sungano naye kuti muchapa vana vake nyika yavaKenani, neyavaHiti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaJebhusi, neyavaGirigashi, muchiita sezvamakataura, nokuti makarurama.
9. Mukaona kutambudzika kwamadzibaba edu paIjipiti, mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku;
10. mukaratidza Farao zviratidzo nezvinoshamisa, navaranda vake vose, navanhu vose venyika yake; nokuti makaziva kuti vakavaitira izvozvo nokuzvikudza; mukazviwanira rumbidzo, sezvazvakaita nhasi.
11. Mukaparadzanisa gungwa pamberi pavo; naizvozvo vakayambuka pakati pegungwa pakaoma; mukawisira vateveri vavo makadzika, sebwe mumvura ine simba.
12. Makavafambisawo masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto, kuti vavhenekerwe panzira yavaifanira kufamba nayo.
13. Makaburukirawo pagomo reSinai, mukataura navo muri kudenga, mukavapa zvakatongwa zakarurama nemitemo yakanaka, nemirayiro yezvokwadi, nemitemo yakanaka, nemirairo.
14. Mukavazivisa Sabata renyu, dzvene, mukavaraira mirairo, nemitemo, nomurau, nomuromo waMozisi muranda wenyu;
15. mukavapa chingwa chakabva kudenga kuvagutisa panzara yavo, mukavabudisira mvura pabwe kupedza nyota yavo, mukavaraira kuti vapinde munyika kuiita yavo, iyo yamakanga mavapikira kuvapa.
16. Asi ivo namadzibaba edu vakaita manyawi, vakaomesa mitsipa yavo, vakasateerera mirairo yenyu.
17. "Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imi muri Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya.
18. Kunyange panguva yavakazviitira mhuru yakaumbwa, vachiti, `Ndiye Mwari wenyu akakubudisai paIjipiti,' vakakutsamwisai kwazvo,
19. kunyange zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo.
20. Makavapawo mweya wenyu wakanaka kuvadzidzisa, mukasanyima miromo yavo mana yenyu, mukavapa mvura kupedza nyota yavo.
21. "Makavararamisa makore makumi mana murenje, vakasashaiwa chinhu; nguvo dzavo hadzina kusakara, uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba.
22. Makavapawo ushe navanhu, mukavaganhurira nyika yavo; naizvozvo vakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.
23. Mukawanza vana vavo vakaita senyeredzi dzokudenga; mukavasvitsa panyika yamakaudza madzibaba avo kuti vachapindamo kuzoiita yavo.
24. "Naizvozvo vana vakapinda panyika vakaiita yavo; imi mukavakundira vanhu vakanga vagere munyika iyo, ivo vaKanani; mukavaisa mumaoko avo, pamwechete namadzimambo avo navanhu venyika iyo kuti vaite navo sezvavakanga vachida.
25. Vakakunda maguta akakombwa, nenyika ine fuma, vakatora dzimba dzakanga dzizere nezvose zvakanaka, zvaiti; matsime akacherwa, neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda inobereka michero; naizvozvo vakadya, vakaguta, vakakora, vakazvifarira nokuda kwounyoro hwenyu ukuru.
26. Kunyange zvakadaro havana kuteerera, vakakumukirai, vakarashira murau wenyu shure kwemisana yavo vakauraya vaporofita venyu vaivapupurira, vachida kuvadzoserazve kwamuri, vakakutsamwisai kwazvo.
27. Saka makavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakavamanikidza; zvino panguva yokutambudzika kwavo, pakuchema kwavo kwamuri, makavanzwa iko kudenga, netsitsi dzenyu zhinji mukavapa varwiri vakavarwira pamaoko avadzivisi vavo.
28. Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu;
29. mukavapupurira, kuti muvadzoserezve kumurau wenyu; kunyange zvakadaro vakaita manyawi; vakasateerera mirairo yenyu, asi vakatadzira zvamakanga matonga, (izvo zvinoti kana munhu achizviita, achararama nazvo), vakabvisa fudzi ravo, vakaomesa mitsipa yavo, vakaramba kunzwa.
30. "Kunyange zvakadaro makava netsitsi navo makore mazhinji, mukavapupurira nomweya wenyu navaporofita venyu; asi vakaramba kuteerera; saka makavaisa mumaoko avanhu venyika iyo.
31. Kunyange zvakadaro, netsitsi dzenyu zhinji hamuna kuvapedza chose, kana kuvarasha, nokuti muri Mwari une nyasha netsitsi.
32. Naizvozvo zvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, anotyisa, anochengeta sungano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo edu, namachinda edu, navapirisiti vedu, navaporofita vedu, namadzibaba edu, navanhu venyu vose kubva pamazuva amadzimambo eAsiria kusvikira nhasi,. ngakurege kuita sechinhu chiduku pamberi penyu.
33. Asi imi makaita henyu zvakarurama pazvose zvakatiwira, nokuti makaita nezvokwadi, asi isu takaita zvakashata.
34. Kunyange madzimambo edu, namachinda edu, navapirisiti vedu, namadzibaba edu, havana kuchengeta murau wenyu, kana kuteerera mirairo yenyu nezvipupuriro zvenyu, zvamakavapupurira nazvo.
35. Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kwounyoro hwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine fuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa.
36. Tarirai, tiri varanda nhasi uye kana iri nyika yamakapa madzibaba edu, kuti vadye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo, tarirai, tiri varanda mairi.
37. Zvibereko zvizhinji inozviberekera madzimambo amakaisa pamusoro pedu, nokuda kwezvivi zvedu; ivo vane simbawo pamiviri yedu, napamombe dzedu, sezvavanoda; tiri pakumanikidzwa kukuru.
38. "Kunyange zvose zvakadaro hazvo, tinoita sungano ine simba, tichiinyora; namachinda edu, navaRevhi vedu, navapirisiti vedu vanoisimbisa."

  Nehemiah (9/13)