| ← Nehemiah (7/13) → |
| 1. | Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa, |
| 2. | ndikagadza Hanani munun’una wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nokuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji. |
| 3. | Ndikati kwavari, "Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake." |
| 4. | Zvino guta rakanga riri bamhi rakakura; asi vanhu vaivamo vashoma; uye dzimba dzakanga dzichigere kuvakwa. |
| 5. | Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai: |
| 6. | Ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha, vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake. |
| 7. | Ivo vakauya naZerubhabheri,. naJeshua, naNehemiya, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naModhekai, naBhirishani, naMisipereti, naBhigivhadhi, naNehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko: |
| 8. | Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri. |
| 9. | Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri. |
| 10. | Vana vaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri. |
| 11. | Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navasere. |
| 12. | Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. |
| 13. | Vana vaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu. |
| 14. | Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu. |
| 15. | Vana vaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere. |
| 16. | Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navasere. |
| 17. | Vana vaAzigadhi, zviuru zviviri namazana matatu namakumi maviri navaviri. |
| 18. | Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe. |
| 19. | Vana vaBhigivhadhi, zviuru zviviri namakumi matanhatu navanomwe. |
| 20. | Vana vaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu. |
| 21. | Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere. |
| 22. | Vana vaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere. |
| 23. | Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana. |
| 24. | Vana vaHarifi, zana rimwe negumi navaviri. |
| 25. | Vana vaGibhiyoni, makumi mapfumbamwe navashanu. |
| 26. | Varume veBheterehemu naveNetofa, zana rimwe namakumi masere navasere. |
| 27. | Varume veAnatoti, zana rimwe namakumi maviri navasere. |
| 28. | Varume veBhetiazimavheti, makumi mana navaviri. |
| 29. | Varume veKiriatijearimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu. |
| 30. | Varume veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe. |
| 31. | Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri. |
| 32. | Varume veBhetieri neAi, zana rimwe namakumi maviri navatatu. |
| 33. | Varume veNebho rechipiri, makumi mashanu navaviri. |
| 34. | Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. |
| 35. | Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri. |
| 36. | Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu. |
| 37. | Vana veRoghi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe. |
| 38. | Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe namakumi matatu. |
| 39. | Vapirisiti vakanga vari, vana vaJedhaya, veimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu. |
| 40. | Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri. |
| 41. | Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe. |
| 42. | Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe. |
| 43. | VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua weKadhimieri, wavana vaHodhevha, makumi manomwe navana. |
| 44. | Vaimbi vakanga vari, vana vaAsafi, zana rimwe namakumi mana navasere. |
| 45. | Varindi vemikova vakanga vari, vana vaSharumi, navana vaAteri, navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, zana rimwe namakumi matatu navasere. |
| 46. | VaNetinimi vakanga vari, vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti, |
| 47. | navana vaKerosi, navana vaSia, navana vaPadhoni, |
| 48. | navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaSarimai, |
| 49. | navana vaHanani, navana vaGidheri, navana vaGahari, |
| 50. | navana vaReaya, navana vaRezini, navana vaNekodha, |
| 51. | navana vaGazami, navana vaUza, navana vaPasea, |
| 52. | navana vaBhesai, navana vaMeunimi, navana vaNefushesimi. |
| 53. | navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri, |
| 54. | navana vaBhaziriti, navana vaMehidha, navana vaHarisha, |
| 55. | navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema, |
| 56. | navana vaNezia, navana vaHatifa. |
| 57. | Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari, vana vaSotai, navana vaSofereti, navana vaPeridha, |
| 58. | navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri, |
| 59. | navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmoni. |
| 60. | VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni, vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri. |
| 61. | Ndivo vakakwira, vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhoni, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, kana marudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri. |
| 62. | Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mana navaviri. |
| 63. | Pakati pavapirisiti vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo. |
| 64. | Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti. |
| 65. | ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi. |
| 66. | Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu, |
| 67. | vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe, vaiva navaimbi varume navakadzi vana mazana maviri namakumi mana navashanu. |
| 68. | Mabhiza avo aiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; namahesera avo mazana maviri namakumi mana namashanu; |
| 69. | makamera avo, mazana manomwe namakumi matatu namashanu; mbongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri. |
| 70. | Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chefuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguvo dzavapirisiti dzina mazana mashanu namakumi matatu. |
| 71. | Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chefuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri. |
| 72. | Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguvo dzavapirisiti dzina makumi matanhatu nenomwe. |
| 73. | Zvino vapirisiti, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo |
| ← Nehemiah (7/13) → |