Nehemiah (7/13)  

1. Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa,
2. ndikagadza Hanani munun’una wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nokuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji.
3. Ndikati kwavari, "Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake."
4. Zvino guta rakanga riri bamhi rakakura; asi vanhu vaivamo vashoma; uye dzimba dzakanga dzichigere kuvakwa.
5. Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai:
6. Ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha, vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake.
7. Ivo vakauya naZerubhabheri,. naJeshua, naNehemiya, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naModhekai, naBhirishani, naMisipereti, naBhigivhadhi, naNehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko:
8. Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
9. Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
10. Vana vaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
11. Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navasere.
12. Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
13. Vana vaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu.
14. Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
15. Vana vaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere.
16. Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navasere.
17. Vana vaAzigadhi, zviuru zviviri namazana matatu namakumi maviri navaviri.
18. Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe.
19. Vana vaBhigivhadhi, zviuru zviviri namakumi matanhatu navanomwe.
20. Vana vaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu.
21. Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
22. Vana vaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere.
23. Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana.
24. Vana vaHarifi, zana rimwe negumi navaviri.
25. Vana vaGibhiyoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
26. Varume veBheterehemu naveNetofa, zana rimwe namakumi masere navasere.
27. Varume veAnatoti, zana rimwe namakumi maviri navasere.
28. Varume veBhetiazimavheti, makumi mana navaviri.
29. Varume veKiriatijearimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
30. Varume veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
31. Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri.
32. Varume veBhetieri neAi, zana rimwe namakumi maviri navatatu.
33. Varume veNebho rechipiri, makumi mashanu navaviri.
34. Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
35. Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
36. Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
37. Vana veRoghi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe.
38. Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe namakumi matatu.
39. Vapirisiti vakanga vari, vana vaJedhaya, veimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
40. Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
41. Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
42. Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
43. VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua weKadhimieri, wavana vaHodhevha, makumi manomwe navana.
44. Vaimbi vakanga vari, vana vaAsafi, zana rimwe namakumi mana navasere.
45. Varindi vemikova vakanga vari, vana vaSharumi, navana vaAteri, navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, zana rimwe namakumi matatu navasere.
46. VaNetinimi vakanga vari, vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti,
47. navana vaKerosi, navana vaSia, navana vaPadhoni,
48. navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaSarimai,
49. navana vaHanani, navana vaGidheri, navana vaGahari,
50. navana vaReaya, navana vaRezini, navana vaNekodha,
51. navana vaGazami, navana vaUza, navana vaPasea,
52. navana vaBhesai, navana vaMeunimi, navana vaNefushesimi.
53. navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri,
54. navana vaBhaziriti, navana vaMehidha, navana vaHarisha,
55. navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema,
56. navana vaNezia, navana vaHatifa.
57. Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari, vana vaSotai, navana vaSofereti, navana vaPeridha,
58. navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri,
59. navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmoni.
60. VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni, vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
61. Ndivo vakakwira, vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhoni, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, kana marudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
62. Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mana navaviri.
63. Pakati pavapirisiti vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
64. Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupirisiti.
65. ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupirisiti ane Urimi neTumimi.
66. Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
67. vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe, vaiva navaimbi varume navakadzi vana mazana maviri namakumi mana navashanu.
68. Mabhiza avo aiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; namahesera avo mazana maviri namakumi mana namashanu;
69. makamera avo, mazana manomwe namakumi matatu namashanu; mbongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
70. Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chefuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguvo dzavapirisiti dzina mazana mashanu namakumi matatu.
71. Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chefuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.
72. Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguvo dzavapirisiti dzina makumi matanhatu nenomwe.
73. Zvino vapirisiti, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo

  Nehemiah (7/13)