Nehemiah (6/13)  

1. Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuo;)
2. Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, "Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno." Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa.
3. Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, "Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?"
4. Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo.
5. Ipapo Sanibharati wakatumazve muranda wake kwandiri saizvozvo rwechishanu, akabata mwadhi yakazaruka muruoko rwake;
6. imomo makanga makanyorwa, muchiti, "Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.
7. Uye, kuti iwe wakagadza vaporofita vanoparidza pamusoro pako paJerusaremu, vachiti, `Pakati paJudha pana mambo.' Naizvozvo zvino chiuya, tirangane tose."
8. Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati, "Hapaitwi zvinhu zvakadai zvaunotaura, asi wakangozvifunga hako mumoyo mako."
9. Nokuti vose vakanga vachitsvaka kutityisa, vachiti, "Maoko avo ngaashaiwe simba pabasa, kuti rirege kupedzwa." Asi zvino, Mwari simbisai maoko angu.
10. Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, "Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nokuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya."
11. Ini ndakati, "Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi."
12. Ndikaona kwazvo kuti Mwari akanga asina kumutuma; asi akandiporofitira izvozvo, nokuti akanga afufurwa naTobhia naSanibharati.
13. Akanga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saizvozvo, nditadze, kuti vawane chavangandichera nacho, vagondishora.
14. Rangarirai henyu, Mwari wangu, mabasa awa aTobhia naSanibharati, naNowadhia muporofitakadzi, navamwe vaporofita, vakaidza kundityisa.
15. Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri.
16. Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora moyo, nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.
17. Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo mwadhi zhinji kuna Tobhia, uye mwadhi dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.
18. Nokuti vazhinji vaivapo paJudha vakanga vapika kwaari, nokuti waiva mukwambo waShekania mwanakomana waAra; mwanakomana wake Jehohanani akanga awana mukunda waMeshurami mwanakomana waBherekia.
19. Vakarumbidzawo mabasa ake akanaka pamberi pangu, nokumuudza mashoko angu. Tobhia akatuma mwadhi dzokundityisa.

  Nehemiah (6/13)