← Nehemiah (4/13) → |
1. | Asi Sanibharati akati achinzwa kuti tovaka rusvingo, akatsamwa, akava neshungu kwazvo, akaseka vaJudha. |
2. | Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, "VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?" |
3. | Tobhia muAmoni akanga amire naye, akati, "Chinhu chipi nechipi chavanovaka havo, kana gava rikakwirapo, richakoromora rusvingo rwavo rwamabwe." |
4. | Inzwai henyu, Mwari wedu, "Nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushora kwavo pamisoro yavo, muvarege vapambwe panyika yavatapwa. |
5. | "Regai kufukidza zvakaipa zvavo, nezvivi zvavo ngazvirege kudzimwa pamberi penyu; nokuti vakakutsamwisai pamberi pavavaki." |
6. | Naizvozvo takavaka rusvingo; rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvikira pahafu yokukwirira kwarwo; nokuti vanhu vakanga vachida kubata. |
7. | Asi Sanibharati, naTobhia, navaArabhia, navaAmoni, navaAshidhodhi, vakati vachinzwa kuti basa rokugadzira masvingo ropfuurira mberi zvakanaka, kuti pakanga pakoromoka podzivirwa, vakatsamwa kwazvo, |
8. | vakarangana vose kundorwa neJerusaremu, nokuvakanganisapo. |
9. | Asi isu takanyengetera kuna Mwari wedu, tikaisa varindi kuvarindira masikati nousiku nemhaka yavo. |
10. | Ipapo vaJudha vakati, "Simba ravatakuri vemitoro raderera, uye marara aripo mazhinji; saka hatigoni kuvaka rusvingo." |
11. | Vadzivisi vedu vakati, "Ngavarege kuziva kana kuona chinhu, kusvikira tava pakati pavo, tikavauraya nokumisa basa." |
12. | Zvino vaJudha vakanga vagere navo, vakati vachisvika kwatiri, vachibva kunzvimbo dzose, vakati kwatiri kagumi, "Munofanira kudzokera kwatiri." |
13. | Saka ndakaisa vamwe vanhu panzvimbo dzakaderera seri kworusvingo, panzvimbo dzakanga dzakashama, ipapo ndakaisa vanhu nedzimba dzavo, vakabata minondo yavo, namapfumo avo, nouta hwavo. |
14. | Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, "Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu." |
15. | Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake. |
16. | Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhovo, nouta, nenguvo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha. |
17. | Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo; |
18. | uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake wakasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni. |
19. | Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: "Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe; |
20. | papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira." |
21. | Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyeredzi dzichibuda. |
22. | Nenguva iyo ndikati kuvanhu, "Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati." |
23. | Naizvozvo ini kunyange hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguvo dzake, mumwe nomumwe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo. |
← Nehemiah (4/13) → |