Nehemiah (3/13)  

1. Ipapo Eriashibhi mupirisiti mukuru akasimuka, nehama dzake vapirisiti, vakavaka suo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri.
2. Kurutivi rwake kwakavakwa navarume veJeriko. Kurutivi rwavo kwakavakwa naZakuri mwanakomana waImiri.
3. Suo rehove rakavakwa navanakomana vaHasenaa; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
4. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi. Kurutivi rwavo rwakagadzirwa naMeshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshezabheri. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana.
5. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo.
6. Suo rekare rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
7. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeratia muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, navarume veGibhiyoni neMizipa, vaiva voushe hwomubati mhiri kworwizi.
8. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara.
9. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naRefaya mwanakomana waHuri, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu.
10. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naJedhaya mwanakomana waHarumafi, pakatarisana neimba yake. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHatushi mwanakomana waHashabheneya.
11. Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahatimoabhi, vakagadzira rumwe rutivi, neshongwe yamavira.
12. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naSharumi mwanakomana waHaroheshi, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu, iye navakunda vake.
13. Suo romupata rakagadzirwa naHanuni navakanga vagere Zanoa; ivo vakarivaka, vakatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, namakubhiti ane chiuru chimwe orusvingo kusvikira pasuo ramarara.
14. Suo ramarara rakagadzirwa naMarikiya mwanakomana waRekabhi, mubati wenyika yeBhetihakeremi; iye akarivaka, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
15. Suo retsime rakagadzirwa naSharumi mwanakomana waKorihoze, mubati wenyika yeMizipa; iye akarivaka, akariisa denga, akatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, uye rusvingo rwedziva reShera pamunda wamambo, kusvikira pamatanho anoburuka achibva muguta raDhavhidhi.
16. Akamutevera pakugadzira akanga ari Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mubati wehafu yenyika yeBhetizuri, kusvikira pakatarisana namarinda aDhavhidhi, uye kusvikira padziva rakanga ravakwa, nokuimba yemagamba.
17. Vakamutevera pakugadzira vakanga vari vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani, nokurutivi rwake kwakagadzirwa naHashabhia mubati wehafu yenyika yeKeira, panzvimbo yenyika yake.
18. Hama dzavo ndidzo dzakamutevera pakugadzira, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mubati wehafu yenyika yeKeira.
19. Kurutivi rwake Ezeri mwanakomana waJeshua, mubati weMizipa, akagadzira mumwe mupanda, pakatarisana neimba yenhumbi dzehondo, pakona yorusvingo.
20. Bharuki mwanakomana waZabhai wakamutevera akagadzira nokushingaira mumwe mupanda, kubva pakona yorusvingo kusvikira pamukova weimba yaEriashibhi mupirisiti mukuru.
21. Meremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi, akamutevera akagadzira mumwe mupanda, kubva pamukova weimba yaEriashibhi, kusvikira pakuguma kweimba yaEriashibhi.
22. Vapirisiti, varume vebani, vakamutevera iye pakugadzira parutivi rwemba yake.
23. Bhenjamini naHashubhi ndivo vakavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yavo. Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akavatevera pakugadzira parutivi rweimba yake.
24. Bhinui mwanakomana waHenadhadhi akamutevera pakugadzira mumwe mupanda, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona yorusvingo, kundosvikazve pakona.
25. Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera.
26. (Zvino vaNetinimi vaigara Oferi, kusvikira pakatarisana nesuo remvura kurutivi rwamabvazuva rweshongwe yakabuda kunze.)
27. VaTekoi vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda pakatarisana neshongwe huru yakabuda kunze, kundosvikira parusvingo rweOferi.
28. Vapirisiti vakagadzira pamusoro pesuo ramabhiza, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.
29. Zadhoki mwanakomana waImeri akavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. Shemaya mwanakomana waShekania, murindi wesuo rokumabvazuva, akamutevera pakugadzira.
30. Hanania mwanakomana wechitatu waZarafi ndiye vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake.
31. Marikiya mumwe wavapfuri vendarama, wakamutevera pakugadzira kusvikira kudzimba dzavaNetinimi nedzavatengesi, pakatarisana nesuo raHamifekadhi, kusvikira pakamuri yokumusoro iri paimba.
32. Pakati peimba yokumusoro pakona nesuo ramakwai, pakagadzirwa navapfuri vendarama navatengesi.

  Nehemiah (3/13)