← Nehemiah (3/13) → |
1. | Ipapo Eriashibhi mupirisiti mukuru akasimuka, nehama dzake vapirisiti, vakavaka suo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri. |
2. | Kurutivi rwake kwakavakwa navarume veJeriko. Kurutivi rwavo kwakavakwa naZakuri mwanakomana waImiri. |
3. | Suo rehove rakavakwa navanakomana vaHasenaa; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro. |
4. | Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi. Kurutivi rwavo rwakagadzirwa naMeshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshezabheri. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana. |
5. | Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo. |
6. | Suo rekare rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro. |
7. | Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeratia muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, navarume veGibhiyoni neMizipa, vaiva voushe hwomubati mhiri kworwizi. |
8. | Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara. |
9. | Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naRefaya mwanakomana waHuri, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu. |
10. | Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naJedhaya mwanakomana waHarumafi, pakatarisana neimba yake. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHatushi mwanakomana waHashabheneya. |
11. | Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahatimoabhi, vakagadzira rumwe rutivi, neshongwe yamavira. |
12. | Kurutivi rwake kwakagadzirwa naSharumi mwanakomana waHaroheshi, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu, iye navakunda vake. |
13. | Suo romupata rakagadzirwa naHanuni navakanga vagere Zanoa; ivo vakarivaka, vakatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, namakubhiti ane chiuru chimwe orusvingo kusvikira pasuo ramarara. |
14. | Suo ramarara rakagadzirwa naMarikiya mwanakomana waRekabhi, mubati wenyika yeBhetihakeremi; iye akarivaka, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro. |
15. | Suo retsime rakagadzirwa naSharumi mwanakomana waKorihoze, mubati wenyika yeMizipa; iye akarivaka, akariisa denga, akatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, uye rusvingo rwedziva reShera pamunda wamambo, kusvikira pamatanho anoburuka achibva muguta raDhavhidhi. |
16. | Akamutevera pakugadzira akanga ari Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mubati wehafu yenyika yeBhetizuri, kusvikira pakatarisana namarinda aDhavhidhi, uye kusvikira padziva rakanga ravakwa, nokuimba yemagamba. |
17. | Vakamutevera pakugadzira vakanga vari vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani, nokurutivi rwake kwakagadzirwa naHashabhia mubati wehafu yenyika yeKeira, panzvimbo yenyika yake. |
18. | Hama dzavo ndidzo dzakamutevera pakugadzira, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mubati wehafu yenyika yeKeira. |
19. | Kurutivi rwake Ezeri mwanakomana waJeshua, mubati weMizipa, akagadzira mumwe mupanda, pakatarisana neimba yenhumbi dzehondo, pakona yorusvingo. |
20. | Bharuki mwanakomana waZabhai wakamutevera akagadzira nokushingaira mumwe mupanda, kubva pakona yorusvingo kusvikira pamukova weimba yaEriashibhi mupirisiti mukuru. |
21. | Meremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi, akamutevera akagadzira mumwe mupanda, kubva pamukova weimba yaEriashibhi, kusvikira pakuguma kweimba yaEriashibhi. |
22. | Vapirisiti, varume vebani, vakamutevera iye pakugadzira parutivi rwemba yake. |
23. | Bhenjamini naHashubhi ndivo vakavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yavo. Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akavatevera pakugadzira parutivi rweimba yake. |
24. | Bhinui mwanakomana waHenadhadhi akamutevera pakugadzira mumwe mupanda, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona yorusvingo, kundosvikazve pakona. |
25. | Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera. |
26. | (Zvino vaNetinimi vaigara Oferi, kusvikira pakatarisana nesuo remvura kurutivi rwamabvazuva rweshongwe yakabuda kunze.) |
27. | VaTekoi vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda pakatarisana neshongwe huru yakabuda kunze, kundosvikira parusvingo rweOferi. |
28. | Vapirisiti vakagadzira pamusoro pesuo ramabhiza, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake. |
29. | Zadhoki mwanakomana waImeri akavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. Shemaya mwanakomana waShekania, murindi wesuo rokumabvazuva, akamutevera pakugadzira. |
30. | Hanania mwanakomana wechitatu waZarafi ndiye vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. |
31. | Marikiya mumwe wavapfuri vendarama, wakamutevera pakugadzira kusvikira kudzimba dzavaNetinimi nedzavatengesi, pakatarisana nesuo raHamifekadhi, kusvikira pakamuri yokumusoro iri paimba. |
32. | Pakati peimba yokumusoro pakona nesuo ramakwai, pakagadzirwa navapfuri vendarama navatengesi. |
← Nehemiah (3/13) → |