Nehemiah (13/13)    

1. Zvino nezuva iro vakarava mubhuku yaMozisi, vanhu vose vachizvinzwa, vakawana makanyorwa, kuti vaMoabhu navaAmoni havafaniri kupinda paungano yaMwari nokusingaperi;
2. nokuti ivo havana kundosangana navana vaIsiraeri nezvokudya nemvura, asi vakaripira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu akashandura kutuka akakuita kuropafadza.
3. Zvino vakati vanzwa murau, vakaraura vanhu vazhinji vose vakanga vakavhengana navaIsiraeri.
4. Zvino izvi zvisati zvaitwa, Eriashibhi mupirisiti, akanga aitwa mutariri wamakamuri eimba yaMwari wedu, wakashamwaridzana naTobhia,
5. akamugadzirira kamuri huru pavaichengeta kare zvipiriso zvoupfu, nezvinonhuwira, nemidziyo, nezvegumi nezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, zvakanga zvarairwa kuti zvipiwe vaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, nezvipiriso zvaitsaurirwa vapirisiti.
6. Asi nenguva iyo yose ini ndakanga ndisipo paJerusaremu; nokuti negore ramakumi matatu namaviri raAritashasita mambo weBhabhironi, ini ndakaenda kuna mambo; zvino mamwe mazuva akati apfuura ndikakumbira kuna mambo,
7. ndikasvika Jerusaremu, ndikanzwa zvakaipa zvakanga zvaitwa naEriashibhi, kuti wakanga agadzirira Tobhia kamuri paruvazhe rweimba yaMwari.
8. Ndikava neshungu kwazvo; saka ndakarashira kunze kwekamuri nhumbi dzose dzaTobhia.
9. Ipapo ndakaraira vakanatsa makamuri; ndikadzoseramozve midziyo yeimba yaMwari, pamwechete nezvipiriso zvoupfu nezvinonhuwira.
10. Ndikaona kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo; naizvozvo vaRevhi navaimbi, vaibata basa, vakanga vatizira mumwe nomumwe kumunda wake.
11. Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, "Imba yaMwari yasiyirweiko?" Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.
12. Ipapo vaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, vakazviisa muzvivigiro.
13. Ndikaisa pazvivigiro vachengeti vefuma, Sheremia mupirisiti, naZadhoki munyori, navaRevhi, Pedhaya; vachibatsirwa naHanani, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania; nokuti vakanga vachinzi vakatendeka; basa ravo rakanga riri rokupa hama dzavo mugove wavo.
14. Chindirangarirai henyu, Mwari wangu, pamusoro paizvozvo; regai henyu kupikisa mabasa angu akanaka andakaitira imba yaMwari wangu nezvaifanira kuitwa mairi.
15. Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika mazambiringa pazvisviniro neSabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namazambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva reSabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.
16. Pakanga pagerewo varume veTire, vaiuya nehove, nezvimwe zvinotengeswa zvamarudzi ose; vakazvitengesa kuvanhu vaJudha napaJerusaremu pazuva reSabata.
17. Ipapo ndikaita nharo navakuru vavaJudha, ndikati kwavari, "Chinhu ichi chakaipa chamunoita ndecheiko, zvamunozvidza zuva reSabata?
18. Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza Sabata."
19. Zvino pamasuo eJerusaremu pakati posviba, Sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira Sabata rapfuura, ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva reSabata.
20. Naizvozvo vashambadziri navatengesi vezvinhu zvamarudzi ose vakavata kunze kweJerusaremu kamwe kana kaviri.
21. Ipapo ndakavanyevera ndikati kwavari, "Munovatireiko pamberi porusvingo? Kana mukadarozve ndichakubatai." Zvino kubva panguva iyo havana kuzouyazve neSabata.
22. Ndikaraira vaRevhi kuti vazvinatse, vauye kuzorinda masuo, vatsaure zuva reSabata. Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichiwo, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru.
23. Namazuva iwayo ndakaonawo vamwe vaJudha vakanga vawana vakadzi veAshidhodhi, naAmoni, naMoabhu;
24. vana vavo vaitaura zvimwe nechiAshidhodhi, vasingagoni kutaura rurimi rwavaJudha, asi rurimi rwamarudzi iwayo.
25. Ndikaita nharo navo, ndikavatuka, ndikarova vamwe vavo, ndikataura vhudzi ravo, ndikavapikisa naMwari, ndichiti, "Hamufaniri kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutorera vanakomana venyu vakunda vavo, kunyange nemiwo.
26. Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikanwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.
27. Ko zvino tingakuteererai kuti muite chinhu ichi chakaipa chikuru, mutadzire Mwari wedu muchiwana vakadzi vatorwa here?"
28. Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupirisiti mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.
29. Muvarangarirei henyu, Mwari wangu, nokuti vakasvibisa upirisiti nesungano youpirisiti neyavaRevhi.
30. Ndikavanatsa saizvozvo ndikabvisa zvose zvavatorwa, ndikaraira madzoro avapirisiti navaRevhi, mumwe nomumwe pabasa rake;
31. napabasa rezvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nerezvitsva. Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.

  Nehemiah (13/13)