| ← Nehemiah (11/13) → |
| 1. | Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu,iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta. |
| 2. | Vanhu vakarumbidza varume vose vakatenda nomoyo wavo kugara Jerusaremu. |
| 3. | Zvino ndivo vakuru vorutivi rwenyika vakanga vagere Jerusaremu; asi pamaguta aJudha mumwe nomumwe akagara panzvimbo yake pamaguta avo, ivo vaIsiraeri, navapirisiti, navaRevhi, navaNetinimi, navana vavaranda vaSoromoni. |
| 4. | PaJerusaremu ndipo pakagara vamwe vavana vaJudha, navavana vaBhenjamini. Vana vaJudha ava: Ataya, mwanakomana waUziya, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri wavana vaPerezi; |
| 5. | naMaaseya, mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana womuShironi. |
| 6. | Vanakomana vose vaPerezi vakanga vagere Jerusaremu vakasvika mazana mana namakumi matanhatu navasere, varume voumhare. |
| 7. | Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya. |
| 8. | Tevere Gabhai, naSarai, mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere, |
| 9. | naJoeri, mwanakomana waZikiri akanga ari mutariri wavo, naJudha, mwanakomana waHasenua, mutariri wechipiri paguta. |
| 10. | Vavapirisiti: Jedhaya, mwanakomana waJoyaribhi, naJakini, |
| 11. | Seraya, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati weimba yaMwari, |
| 12. | nehama dzavo dzaibata mabasa paimba iyo, vakasvika mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya, mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPeraira, mwanakomana waAmizi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija, |
| 13. | nehama dzake, vakuru vedzimba dzamadzibaba, mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashi, mwanakomana waAzareri, mwanakomana waAzai, mwanakomana waMeshiremoti, mwanakomana waImeri, |
| 14. | nehama dzavo, varume vane simba noumhare, zana namakumi maviri navasere; mutariri wavo akanga ari Zabhidhieri, mwanakomana waHagedhorimi. |
| 15. | Uye vaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni; |
| 16. | naShabhetai naJozabhadhi, vavakuru vavaRevhi, vaitarira mabasa okunze eimba yaMwari; |
| 17. | naMatania, mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, iye mukuru akatanga kuvonga pakunyengetera, naBhakibhukia, mukuru wechipiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni. |
| 18. | VaRevhi vose paguta dzvene vakanga vana mazana maviri namakumi masere navana. |
| 19. | Uye varindi vemikova, Akubhi, naTarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vakanga vane zana rimwe namakumi manomwe navaviri. |
| 20. | Vamwe vakasara vavaIsiraeri, vavapirisiti navaRevhi vakagara pamaguta ose aJudha; mumwe nomumwe panhaka yake. |
| 21. | Asi vaNetinimi vakagara paOferi; Ziha naGishipa vakanga vari vatariri vavaNetinimi. |
| 22. | Mutaririwo wavaRevhi paJerusaremu akanga ari Uzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika, vavanakomana vaAsafi, ivo vaimbi vaitarira basa reimba yaMwari. |
| 23. | Nokuti mambo akanga araira pamusoro pavo, navaimbi vaipiwa mubayiro wakatarwa zuva rimwe nerimwe. |
| 24. | Petahia, mwanakomana waMeshazabheri, wavana vaZera, mwanakomana waJudha, ndiye akanga ari mubatsiri wamambo pamashoko ose avanhu. |
| 25. | Kana iri misha nokuruwa rwayo, vamwe vavana vaJudha vakagara paKiriatiarabha nemisha yaro, napaDhibhoni nemisha yaro, napaJekabhizeeri nemisha yaro; |
| 26. | napaJeshua, napaMoradha, napaBheerishebha nemisha yawo; |
| 27. | napaHazarishuari, napaBheerishebha nemisha yawo; |
| 28. | napaZikiragi, napaMekona nemisha yawo; |
| 29. | napaEnirimoni, napaZora, napaJarimuti; |
| 30. | neZanoa, neAdhurami, nemisha yawo, neRakishi noruwa rwaro, neAzeka nemisha yaro. Naizvozvo vakavaka misasa yavo kubva paBheerishebha kusvikira pamupata weHinomi. |
| 31. | Vana vaBhenjamini vakagara kubva paGebha, paMikimashi, neAya, napaBhetieri nemisha yawo; |
| 32. | neAnatoti, neNobhi, neAnania; |
| 33. | neHazori, neRama, neGitaimi; |
| 34. | neHadhidhi, neZebhoimi, neNebharati; |
| 35. | neRodhi, neOno, neGehaharashimi. |
| 36. | Vamwe vaRevhi vamapoka aJudha vakagara pakati pavaBhenjamini. |
| ← Nehemiah (11/13) → |