| ← Nahum (3/3) |
| 1. | Guta reropa rine nhamo! Rizere nenhema nokupamba; zvakapambwa hazviperimo. |
| 2. | Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinojata, |
| 3. | nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurawa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo; |
| 4. | nemhaka yokufeva kuzhinji kwechifeve chakanaka pakudikanwa, iye mwene wouroyi, anotengesa marudzi avanhu nokufeva kwake, nemhuri dzavanhu nouroyi hwake. |
| 5. | Tarira, ndine mhaka newe ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakufukura ndiise nguo dzako kuchiso chako; ndicharatidza marudzi ose kushama kwako, uye ushe hwose kunyara kwako. |
| 6. | "Ndichakandira pamusoro pako tsvina inosemesa, nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose. |
| 7. | Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti, `Ninivhe raparadzwa, ndiani acharichema? Ndichakutsvakirepi vanyaradzi?' " |
| 8. | Ko iwe unopfuura No-amoni, rakanga rakavakwa pakati penzizi, rakanga rakapoteredzwa nemvura; rusvingo rwaro raiva gungwa, namadziro aro raiva gungwazve? |
| 9. | Itiopia neIjipiti raiva simba raro, rakanga risina mugumo; Puti neRubhimi vaiva vabatsiri vako. |
| 10. | Kunyange zvakadaro vakazoenda naro, rakatapwa; vana varo vaduku vakaputsanyiwa pakuvamba kwenzira dzose dzomumusha; vakakanda mijenya pamusoro pavaikudzwa pakati pavo, vakuru varo vose vakasungwa namangetani. |
| 11. | Newewo uchabatwa newaini, uchandovanda; newewo uchandotsvaka nhare nemhaka yomuvengi wako. |
| 12. | Nhare dzako dzose dzichafanana nemionde ina maonde otanga kuibva; kana ichizunzwa, anowira mumuromo woanodya. |
| 13. | Tarira, vanhu vako pakati pako vakaita savakadzi; masuo enyika yako azarurirwa vavengi vako kwazvo; moto wapedza zvipfigiso zvako. |
| 14. | Zvicherere mvura yokunwa pakukombwa kwako, simbisa nhare dzako, pinda mudope ukanye ivhu, ubate foroma. |
| 15. | Moto uchakupedzapo, munondo uchakuparadza, uchakupedza segwatakwata; zviitei vazhinji segwatakwata, zviitei vazhinji semhashu. |
| 16. | Makawanza vatengesi venyu vakapfuura nyeredzi dzokudenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka richienda. |
| 17. | Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji-zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri. |
| 18. | Vafudzi vako vanotsumwaira, iwe mambo weAsiria, vakakudzwa vako vanyarara, vanhu vako vakapararira pamakomo, hakuna angavaunganidza. |
| 19. | Kukuvadzwa kwako hakungarapwi, vanga rako rakaipa kwazvo; vose vanonzwa guhu rako vachakuitira nondo; nokuti ndianiko akanga asingatambudzwi nguva dzose nezvakashata zvako? |
| ← Nahum (3/3) |