Nahum (3/3)    

1. Guta reropa rine nhamo! Rizere nenhema nokupamba; zvakapambwa hazviperimo.
2. Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinojata,
3. nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurawa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo;
4. nemhaka yokufeva kuzhinji kwechifeve chakanaka pakudikanwa, iye mwene wouroyi, anotengesa marudzi avanhu nokufeva kwake, nemhuri dzavanhu nouroyi hwake.
5. Tarira, ndine mhaka newe ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakufukura ndiise nguo dzako kuchiso chako; ndicharatidza marudzi ose kushama kwako, uye ushe hwose kunyara kwako.
6. "Ndichakandira pamusoro pako tsvina inosemesa, nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose.
7. Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti, `Ninivhe raparadzwa, ndiani acharichema? Ndichakutsvakirepi vanyaradzi?' "
8. Ko iwe unopfuura No-amoni, rakanga rakavakwa pakati penzizi, rakanga rakapoteredzwa nemvura; rusvingo rwaro raiva gungwa, namadziro aro raiva gungwazve?
9. Itiopia neIjipiti raiva simba raro, rakanga risina mugumo; Puti neRubhimi vaiva vabatsiri vako.
10. Kunyange zvakadaro vakazoenda naro, rakatapwa; vana varo vaduku vakaputsanyiwa pakuvamba kwenzira dzose dzomumusha; vakakanda mijenya pamusoro pavaikudzwa pakati pavo, vakuru varo vose vakasungwa namangetani.
11. Newewo uchabatwa newaini, uchandovanda; newewo uchandotsvaka nhare nemhaka yomuvengi wako.
12. Nhare dzako dzose dzichafanana nemionde ina maonde otanga kuibva; kana ichizunzwa, anowira mumuromo woanodya.
13. Tarira, vanhu vako pakati pako vakaita savakadzi; masuo enyika yako azarurirwa vavengi vako kwazvo; moto wapedza zvipfigiso zvako.
14. Zvicherere mvura yokunwa pakukombwa kwako, simbisa nhare dzako, pinda mudope ukanye ivhu, ubate foroma.
15. Moto uchakupedzapo, munondo uchakuparadza, uchakupedza segwatakwata; zviitei vazhinji segwatakwata, zviitei vazhinji semhashu.
16. Makawanza vatengesi venyu vakapfuura nyeredzi dzokudenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka richienda.
17. Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji-zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri.
18. Vafudzi vako vanotsumwaira, iwe mambo weAsiria, vakakudzwa vako vanyarara, vanhu vako vakapararira pamakomo, hakuna angavaunganidza.
19. Kukuvadzwa kwako hakungarapwi, vanga rako rakaipa kwazvo; vose vanonzwa guhu rako vachakuitira nondo; nokuti ndianiko akanga asingatambudzwi nguva dzose nezvakashata zvako?

  Nahum (3/3)